Asokwa mashoko naamai vake akati, “Ndipei, musoro waJohani Muombeki mudhishi iye zvino.” Mambo zvakamutambudza mwoyo asi nokuda kwemhiko dzake uye pamusanawo pavaenzi vake akati ngaapiwe. Akatuma munhu kuti andodimura musoro waJohani mujeri. Musoro wake wakaunzwa uri mudhishi ukapiwa kumusikana. Iyewo akaenda nawo kuna amai vake. Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora chitunha ichocho vakachiviga. Vakaenda vakandotaurira Jesu. Jesu paakanzwa izvi, akabva ipapo negwa akaenda kunzvimbo isina vanhu, kwake oga. Voruzhinji rwavanhu pavakazvinzwa vakatevera ikoko netsoka vachibva mumaguta. Paakabuda mugwa pamahombekombe, akaona chita chikuru chavanhu. Akavanzwira tsitsi akaporesa varwere vavo. Zuva parakanga rava kuda kudoka, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Muno murenje uye kwava kudoka. Dai machiendesa vanhu vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.” Jesu akati, “Havafaniri kuenda. Vapei iyemi zvokudya.” Vakati kwaari, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri chete.” Iye akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Akati vanhu ngavagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zviya zvishanu nehove mbiri. Akatarisa kudenga, ndokukomborera, ndokumedura, akapa zvingwa zviya kuvadzidzi. Vadzidzi vakazvipa kuvanhu. Vose vakadya vakaguta. Vakaunganidza tswanda gumi nembiri dzizere dzezvimedu zvakasara. Vanhu vakadya vaiva zviuru zvishanu zvavarume tisingaverengi zvedu vakadzi navana.
Verenga chikamu Mateu 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 14:8-21
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo