Zvino iye, akati arayirwa namai vake, akati, “Ndipei pano mundiro musoro waJohani Mubhabhatidzi.”
Mambo akazvidya mwoyo, asi nokuda kwokupika kwake, uye nokuda kwavakanga vagere pakudya, akaraira kuti apiwe. Akatuma vanhu kundogura musoro waJohani mutorongo. Vakauya nomusoro wake uri mundiro, musikana akaupiwa; iye akaenda nawo kunamai vake. Vadzidzi vake vakauya vakatora chitunha chake, vakachiviga; ndokuenda kundoudza Jesu.
Jesu akati azvinzwa, akabvapo negwa, akaenda kurenje ari oga. Zvino vanhu vachizvinzwa, vakabva kumaguta, vakamutevera netsoka. Zvino akati achibuda muigwa, akaona vanhu vazhinji-zhinji, akavanzwira tsitsi, akaporesa varwere vavo.
Zvino ava madekwana, vadzidzi vakauya kwaari, vakati, “Pano irenje, zuva roda kuvira, endesai vanhu vazhinji, vaende kumisha, vandozvitengera zvokudya.”
Asi Jesu akati kwavari, “Havafaniri havo kuenda; imi muvape zvavangadya.”
Vakati kwaari, “Hatina chinhu pano, asi zvingwa zvishanu bedzi nehove mbiri.”
Iye akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Akaraira vanhu vazhinji kuti vagare pasi pauswa, akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, ndokutarira kudenga, akavonga, akamedura zvingwa, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa vanhu vazhinji. Vakadya vose, vakaguta; vakaunganidza zvimedu zvakasara, matengu ane gumi namaviri azere. Vakanga vadya vaiva varume vane zviuru zvishanu, vakadzi navana vasingaverengwi.