Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 12:46-50

Mateu 12:46-50 SCLB

Paakanga achiri kutaura kugungano riya ravanhu, amai vake navakoma navanun'una naye vakanga vatomira panze vachikumbira kutaura naye. [ Naizvozvo mumwe munhu akamutaurira kuti, “Amai venyu navakoma navanun'una venyu vamire panze, vari kukumbira kutaura nemi.”] Jesu akapindura munhu akanga amuudza achiti, “Ko amai vangu ndiani vakoma navanun'una vangu ndavanani?” Akatambanudza ruoko kuna vadzidzi vake achiti, “Ava ndivo amai vangu navakoma navanun'una vangu! Nokuti aninaani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye mukoma nomunun'una neni nehanzvadzi naamai vangu.”

Verenga chikamu Mateu 12