Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 11:16-30

Mateu 11:16-30 SCLB

“Ko chizvarwa chino ndingachienzanise neiko? Chakafanana navana vagere pamisika vachidaidzira kuna vamwe vavo vachiti, ‘Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba. Takaungudza, asi imi hamuna kuchema; nokuti Johani akauya asingadyi kana kunwa asi vanhu vakati ano mweya wakaipa. Mwanakomana womunhu akauya achidya uye achinwa.’ Vanhu vakati, ‘Tarisai muone munhu uyu ane nhafu uye chidhakwa neshamwari yavateresi navatadzi.’ Asi ungwaru hunopembedzwa namabasa aho.” Jesu akatanga kutsiura maguta maakanga aita zvishamiso zvake zvizhinji nokuti havana kutendeuka. Akati, “Zvichakuwana zvako iwe Korezeini; zvichakuwana iwe Bhetisaidha nokuti dai kuri kuti zvishamiso zvakaitwa mamuri zvakaitwa muTire nomuSidhoni, vangadai vakapinduka kare kare vakatopfeka masaga nokuzvizora madota. Ndinokutaurirai kuti pazuva rokutongwa, zvichava nyore kuguta reTire nereSidhoni panemi. Ko iwe Kapenaumu uchasimudzirwa kudenga here? Uchatodzikiswa kunzvimbo yavafi. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakaitwa muguta reSodhomu ringadai richimire nanhasi uno. Chandinokutaurirai ndechokuti, ‘Pazuva rokutongwa, zvichava nyore kunyika yeSodhomu panewe.’ ” Ipapo Jesu akati, “Ndinokutendai Baba, Tenzi wedenga napasi kuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navanonzwisisa mukazvizivisa kuvana vaduku. Hongu Baba, aya madiro enyu. Zvinhu zvose zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu; uye hakuna anoziva Mwanakomana kusiya Baba uyewo hakuna anoziva Baba kusiya Mwanakomana nouyo anenge asarudzwa zvake naMwanakomana kuti amuzivise kwaari. “Uyai kwandiri imi mose makaremerwa, makatakura mutoro unorema, ini ndichakuzorodzai. Torai joko rangu mudzidze kwandiri nokuti ndine mwoyo munyoro uye ndakazvirereka muchazviwanira mwoyo yenyu zororo nokuti joko rangu rakanaka uye mutoro wangu wakareruka.”

Verenga chikamu Mateu 11

YouVersion inoshandisa macookies kugadzirisa mashandisiro ako. Nekushandisa webhusaiti yedu, unobvuma kushandisa kwedu macookies sekutsanangurwa kwazvakaitwa mu Mutemo wedu weZvakavanzika