Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 11:16-30

Mateu 11:16-30 SNA2002

“Asi ndichafananidza rudzi urwu neiko? Rwakafanana navana vagere padare, vanodanidzira kushamwari dzavo, vachiti, ‘Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takaungudza, mukasachema.’ Nokuti Johani akauya, asingadyi, asinganwi, zvino vanoti, ‘Ane mweya wakaipa.’ “Mwanakomana womunhu akauya, achidya, achinwa, zvino voti, ‘Tarirai munhu anokara, nomunwi, shamwari yavateresi navatadzi!’ Kuchenjera kwakaruramiswa namabasa ako.” Zvino akatanga kutuka maguta makanga maitwa mabasa ake esimba mazhinji, nokuti haana kutendeuka, akati, “Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti mabasa akaitwa mukati menyu, dai aiitwa muTire neSidhoni, vangadai vatendeuka kare vakaisa masaga nedota. “Asi ndinoti kwamuri, Tire neSidhoni acharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuuremi. Iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Uchaburukira kuHadhesi, nokuti dai iwo mabasa esimba akaitwa mukati mako, akaitwa muSodhoma, ringadai richipo nanhasi. “Asi ndinoti kwamuri, ‘Nyika yeSodhoma icharerukirwa nezuva rokutongwa kupfuura iwe.’ ” Nenguva iyo Jesu akapindura, akati, “Ndinokutendai, Baba, Ishe wekudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvozvi, mukazvizivisa vacheche. Hongu, Baba, nokuti ndizvo zvakakufadzai. “Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu, hakuna anoziva Mwanakomana, asi Baba; hakuna anoziva Baba, asi Mwanakomana, naiye waanenge Mwanakomana achida kumuzivisa iye. “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndinomwoyo unozvininipisa, kuti muwane zororo pamweya yenyu. Nokuti joko rangu rakanaka, nomutoro wangu unorerukira.”

Verenga chikamu Mateu 11