Jesu paakapedza kudzidzisa vadzidzi vake vane gumi navaviri, akabva ipapo avakundodzidzisa nokuparidza mumaguta avo. Johani paakanzwa ari mujeri zvinhu zvakanga zvichiitwa naKristu, akatuma vadzidzi vake neshoko kwaari rokuti, “Ndimi mainzi muchauya here kana kuti tomirira mumwe?” Jesu akavapindura achiti, “Endai mundotaurira Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona zvokuti, “Mapofu ari kusvinudzwa. Mhetamakumbo dzavakufamba vana maperembudzi vari kunatswa. Vamatsi vavakunzwa, vakafa vari kumutswa uye varombo vari kuparidzwa Shoko Rakanaka. Akakomborerwa zvake asingagumburiswi neni.”
Verenga chikamu Mateu 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 11:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo