Jesu akati apedza kuraira vadzidzi vake vane gumi navaviri, akapfuura kundodzidzisa nokuparidza pamaguta avo. Zvino Johani, ari mutorongo, akanga anzwa mabasa aKristu, akatuma shoko navadzidzi vake, achiti kwaari, “Ko ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana tichakatarira mumwe?” Jesu akapindura, akati kwavari, “Endai, mundoudza Johani zvamunonzwa nezvamunoona; zvokuti, mapofu anosvinudzwa, vanokamhina vanofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vamatsi vanonzwa, vakafa navarombo vanoparidzirwa vhangeri. Akaropafadzwa iye asingagumburwi neni.”
Verenga chikamu Mateu 11
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 11:1-6
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo