“Nezvo munhu anondibvuma pamberi pavanhu ndichamubvumawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. Asi munhu anondiramba pamberi pavanhu, ini ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. “Regai kufunga kuti ndakauya kuzounza rugare panyika. Handina kuuya kuzounza rugare asi hondo yebakatwa nokuti ndakauya kuzorwisanisa baba nomwanakomana vake, mwanasikana achapesanawo naamai vake, muroorawo achapesana navamwene vake. Mhandu dzomunhu dzichava dzomumba make. “Munhu anoda baba namai kupinda ini haakodzeri kuva wangu. Uyo anoda mwanakomana kana mwanasikana wake kupinda ini haakodzeri kuva wangu. Aninaani asingatore muchinjikwa wake achinditevera haakodzeri kuva wangu. Uyo anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo. Uyo anorasikirwa noupenyu hwake, pamusana pangu, achahuchengetedza. “Uyo anogamuchira imi anogamuchirawo ini. Anogamuchira ini anogamuchirawo uyo akandituma. Anogamuchira muporofita pamusana pokuti muporofita anowanawo mubayiro womuporofita. Uyowo anogamuchira munhu akarurama pamusana pokuti munhu wakarurama achagamuchirawo mubayiro womunhu wakarurama. Munhuwo anopa kune mumwe wavaduku ava kunyange mukombe wemvura inotonhora nokuda kokuti mudzidzi, zvechokwadi chaizvo ndinoti kwamuri haamborega kuwana mubayiro wake.”
Verenga chikamu Mateu 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 10:32-42
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo