“Mumwe nomumwe achandipupura pamberi pavanhu, neni ndichamupupurawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. “Asi mumwe nomumwe anondiramba pamberi pavanhu, neni ndichamurambawo pamberi paBaba vangu vari kudenga. “Musafunga kuti ndakauya kuisa rugare panyika; handina kuuya kuisa rugare, asi kurwa. Nokuti ndakauya kupesanisa munhu nababa vake, nomwanasikana namai vake, nomukadzi womwana navamwene vake; navavengi vomunhu vachava veimba yake. “Anoda baba kana mai kupfuureni, haana kufanireni; nowanoda mwanakomana nomwanasikana kupfuureni, haana kufanireni. Asingatakuri muchinjikwa wake, akanditevera, haana kufanireni. ANowana upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; asi anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu, achahuwana. “Anokugamuchirai imi, anondigamuchireni; noanogamuchireni, anogamuchira akandituma. Anogamuchira muporofita muzita romuporofita achapiwa mubayiro womuporofita; noanogamuchira akarurama muzita roakarurama, achapiwa mubayiro woakarurama. Ani naani unopa muzita romudzidzi mumwe wavaduku ava mukombe bedzi wemvura inotonhora anwe, zvirokwazvo ndinoti kwamuri, haangatongorasikirwi nomubayiro wake.”
Verenga chikamu Mateu 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateu 10:32-42
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo