Kuzoti Jesu apedza kutaura mashoko ake ose kuvanhu vakanga vakateerera, akapinda muKapenaumu. Zvino mumwe mutungamiri wezana aiva nomuranda waaida chaizvo. Muranda uyu akanga achirwara; ava kutoda kufa. Kuzoti mutungamiri wezana anzwa nezvaJesu, akatuma vakuru vakuru vavaJudha kwaari achikumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake. Pavakasvika kuna Jesu, vakamukumbirisa vachiti, “Anokodzera kuti mumuitire izvi, nokuti anoda rudzi rwedu; ndiyezve akativakira sinagogu yedu.” Jesu akaenda navo. Kuzoti ava padyo neimba iyoyo, mutungamiriri wezana akatuma shamwari kwaari achiti, “Tenzi musazvinetse henyu, nokuti handikodzeri kuti mupinde mumba mangu, ndosakawo ndazviona ndiri asingakodzeri kuuya kwamuri. Asi ingotaurai izwi chete, muranda wangu achapora, nokuti ndiri munhu ari pasi pavakuru uye ndina masojawo pasi pangu. Ndinoti kune mumwe, ‘Enda,’ achienda, kuno mumwe: ‘Uya,’ achiuya. Kumuranda wangu ndinoti, ‘Ita ichi,’ achichiita.” Jesu paakazvinzwa, akashamiswa naye, akatendeukira kuchita chavanhu chakanga chichimutevera, akati, “Ndinoti kwamuri, kunyange muIsiraeri handisati ndamboona chitendero chakadai.” Vakanga vatumwa vaya pavakadzokera kumba kuya vakandowana muranda uya ave wadi.
Kubvezvo Jesu akaenda kune rimwe guta rainzi Naini; vadzidzi vake negurumwandira ravanhu vakaenda naye. Kuzoti ava kusvika pasuo guru reguta iroro, houno munhu akanga akatembedzanwa, akafa, mwana mukomana aive ari ndiye mwana mumwechete oga waamai vake, uye amai ava vaiva chirikadzi. Vanhu vazhinji veguta iroro vaivaperekedza.
Tenzi paakaona amai ava, akasiririswa navo ndokuti kwavari, “Chiregai zvenyu kuchema,” ndokuswedera obata hwanyanza; vainge vakatakura chitunha ndokumira. Jesu ndokuti, “Jaya, ndinoti kwauri, muka!” Muchakabvu akamuka, ndokugara, ndokutanga kutaura. Iye ndokumupa kuna amai vake. Vanhu vose vakabatwa nokutya, vakarumbidza Mwari vachiti, “Muporofita mukuru akamutswa mukati medu, Mwari azoshanyira vanhu vake.” Nyaya iyi yaitaura nezvake yakapararira muJudhea yose nomumatunhu ose akapoteredza.
Johani akaudzwa zvinhu zvose izvi navadzidzi vake, ndokudana vadzidzi vake vaviri, akavatuma kuna Tenzi kundoti, “Ndimi mainzi muchauya here kana kuti tomirira mumwe?” Varume ava zvavakasvika kwaari vakati, “Johani Muombeki atituma kwamuri, achibvunza kuti, ‘Ko ndimi here uya akanzi achazouya kana kuti tomirira mumwe?’ ”
Nenguva yakareyo Jesu aiporesa vazhinji vaiva nezvirwere namatenda, achidzinga mweya yakaipa; achisvinudzawo mapofu mazhinji. Jesu akavapindura achiti, “Endai mundoudza Johani zvamaona nezvamanzwa, zvokuti mapofu avakusvinudzwa, mhetamakumbo dzavakufamba, vana maperembudzi vavakunatswa, vamatsi vavakunzwa, vakafa vavakumutswa, varombo vavakuparidzwa shoko rakanaka. Akakomborerwa munhu asingagumburwi neni.”
Nhume dzaJohani dzakati dzabva, Jesu akatanga kutaurira ruzhinji rwavanhu nezvaJohani achiti; “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga runozunguzwa nemhepo here? Zvino makaenda kundooneiko? Munhu akapfeka hanzu dzakapfavirira here? Inga wani munoziva kuti avo vanopfeka hanzu dzinokosha nokugara upenyu hwomutambaratede vari mumizinda yaMadzimambo. Ko zvino makaenda kundoonei? Muporofita here? Hongu, uyezve ndinoti kwamuri, munhu anotopfuura muporofita. Uyu ndiye uya akanyorwa nezvake zvichinzi,
“ ‘Tarira ndinotuma nhume yangu
mberi kwako,
ichafanogadzirira nzira yako pamberi pako.’
“Ndinoti kwamuri, pavanhu vose vakazvarwa navakadzi hakuna mukuru kupinda Johani. Zvakadaro zvazvo muduku wokupedzisira muumambo hwaMwari mukuru kwaari.” Pakunzwa izvi, vanhu vose navateresiwo vakapembedza ururami hwaMwari nokuombekwa kwavakanga vaitwa noruombeko rwaJohani. Asi vaFarisei nenyanzvi dzoMutemo nokusaombekwa kwavo naJohani, vakaramba zvakarongwa naMwari pamusoro pavo.
“Ko vanhu vechizvarwa chino ndingavaenzanise neiko? Uye vakafanana neiko? Vakafanana navana vagere pamusika vachidaidzirana vachiti,
“ ‘Takakuridzirai nyere asi hamuna kutamba,
takaungudza asi hamuna kuchema.’
“Nokuti Johani Muombeki akauya asingadyi chingwa kana kunwa waini, imi mukati, ‘Ane mweya wakaipa.’ Mwanakomana womunhu akauya achidya uye achinwa, moti munhu uyu ane nhafu uye chidhakwa neshamwari yavateresi navatadzi.” Kudaro ungwaru hunoratidzwa kuti ndohwechokwadi navose vanohugamuchira.