Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 7:1-35

Ruka 7:1-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jesu akati apedza kutaura zvose izvi vanhu vachizvinzwa, akapinda muKapenaume. Imomo maiva nomuranda womukuru wezana, aidiwa chose natenzi wake, akanga achirwara uye ava kuda kufa. Mukuru wezana akanzwa nezvaJesu uye akatuma vamwe vakuru vavaJudha kwaari, achimukumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake. Vakati vasvika kuna Jesu, vakamukumbira zvikuru vachiti, “Murume uyu akafanira kuti mumuitire izvi, nokuti anoda rudzi rwedu uye ndiye akavaka sinagoge redu.” Naizvozvo Jesu akaenda navo. Akanga asiri kure nomusha pakatumwa shamwari nomukuru wezana kuti dzinoti kwaari, “Ishe, musazvinetsa zvenyu, nokuti handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu. Ndokusaka ndisina kumbofunga kuti ini ndive nekodzero yokuuya kwamuri. Asi, taurai henyu shoko, uye muranda wangu achapora. Nokuti ini pachangu, ndiri munhu ari pasi pavamwe, uye ndine varwi vari pasi pangu. Ndinoti kuno uyu, ‘Enda,’ uye anoenda, kuno mumwe, ‘Uya’ uye anouya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ uye anochiita.” Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa kwazvo naye, akatendeukira kuvanhu vazhinji vaimutevera akati, “Ndinoti kwamuri, handina kumboona kutenda kwakadai kunyange muIsraeri.” Ipapo varume vaya vakanga vatumwa vakadzokera kumba vakawana muranda uya apora. Pasina kupera nguva refu, Jesu akaenda kuguta rainzi Naini, vadzidzi vake navanhu vazhinji kwazvo vakaendawo naye. Kuzoti ave kuswedera pasuo reguta, munhu akafa akanga akatakurwa achiburitswa kunze, aingova mwanakomana mumwe chete wamai vake, uye vakanga vari chirikadzi. Uye vanhu vazhinji kwazvo vaibva muguta vaiva navo. Ishe akati achivaona, mwoyo wake wakavanzwira tsitsi, akati kwavari, “Musachema.” Ipapo akaswedera pedyo akabata hwanyanza, uye vaya vakanga vakamutakura vakamira. Akati, “Jaya, ndinoti kwauri, muka!” Munhu uya akanga afa akamuka akagara akatanga kutaura, uye Jesu akamupa kuna mai vake. Vose vakazadzwa nokutya vakarumbidza Mwari. Vakati, “Muprofita mukuru amuka pakati pedu. Mwari auya kuzobatsira vanhu vake.” Shoko iri pamusoro paJesu rakapararira muJudhea yose nenyika dzose dzakapoteredza. Vadzidzi vaJohani vakamuudza pamusoro pezvinhu izvi zvose. Akadana vaviri vavo, akavatuma kuna She kuti vandobvunza kuti, “Ndimi here iye aifanira kuuya kana kuti tomirira mumwewo?” Varume ava vakati vasvika kuna Jesu, vakati, “Johani Mubhabhatidzi akatituma kwamuri kuti tizobvunza kuti, ‘Ndimi here mainzi muchauya, kana kuti timirire mumwewo?’ ” Panguva iyoyo Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere, matenda nemweya yakaipa uye akasvinudza vazhinji vakanga vari mapofu. Saka akapindura nhume achiti, “Dzokerai munoudza Johani zvamaona nezvamanzwa zvokuti: Mapofu anosvinudzwa, zvirema zvinofamba, vaya vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzinonzwa, vakafa vanomutswa uye vhangeri riri kuparidzwa kuvarombo. Akaropafadzwa munhu asingagumbuswi nokuda kwangu.” Shure kwokubva kwenhume dzaJohani, Jesu akatanga kutaura kuvanhu vazhinji pamusoro paJohani achiti, “Makabuda mukaenda kurenje kundooneiko? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here? Kana zvisizvo, makabuda kundooneiko? Munhu akanga akafuka nguo dzakanaka here? Kwete, vaya vanopfeka nguo dzomutengo mukuru uye vanogara zvakanaka ndivo vari mumizinda. Asi makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinokuudzai, uyewo anokunda muprofita. Ndiye uya akanyorwa nezvake zvichinzi: “ ‘Ndichatuma nhume yangu pamberi pako, uyo achakugadzirira nzira yako pamberi pako.’ Ndinokuudzai kuti, pakati paavo vose vakaberekwa navakadzi hakuna mukuru kuna Johani; asi muduku muumambo hwaMwari mukuru kwaari.” Vanhu vose, kunyange navateresi, vakati vanzwa mashoko aJesu, vakabvuma kuti nzira yaMwari yakarurama, nokuti vakanga vabhabhatidzwa naJohani. Asi vaFarisi nenyanzvi dzomurayiro vakaramba kuda kwaMwari pamusoro pavo, nokuti vakanga vasina kubhabhatidzwa naJohani. “Zvino, ndingafananidza rudzi rwakadai neiko? Vakafanana neiko? Vakaita savana vagere pamusika vachidanidzira kuno mumwe nomumwe wavo vachiti: “ ‘Takakuridzirai hwamanda, asi hamuna kutamba; takaimba rwiyo rworufu, uye hamuna kuchema.’ Nokuti Johani Mubhabhatidzi akauya asingadyi chingwa uye asinganwi waini, imi mukati, ‘Ane dhimoni.’ Mwanakomana woMunhu akauya achidya uye achinwa, imi mukati, ‘Houno munhu wamadyo uye chidhakwa, shamwari yavateresi na“vatadzi”.’ Asi uchenjeri hunoratidzwa navana vahwo vose.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 7

Ruka 7:1-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino akati apedzisa mashoko ake ose, vanhu vachianzwa, akapinda Kapenaume. Muranda womumwe mukuru wezana aidikanwa naye, akanga achirwara, achitandadza. Zvino akati anzwa zvaJesu, akatuma vakuru vavaJudha kwaari achikumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake. Ivo vakati vachisvika kuna Jesu, vakakumbira zvikuru kwaari, vachiti, “Iye akafanira kuti mumuitire izvozvo; nokuti anoda rudzi rwedu, ndiye akativakira sinagoge redu.” Jesu akaenda navo. Zvino ava pedyo neimba, mukuru wezana akatuma shamwari dzake, kuzoti kwaari, “Ishe, musazvitambudza; nokuti handina kufanirwa kuti mupinde mumba mangu; naizvozvo ndakati handifaniri kuuya kwamuri; asi taurai henyu shoko, muranda wangu achapora. Nokuti neniwo ndiri munhu akaiswa pasi pavamwe, ndinavarwi pasi pangu; kana ndikati kune mumwe, ‘Enda!’ Anoenda; kune mumwe, ‘Uya!’ Anouya; nokumuranda wangu, ‘Ita ichi,’ anoita.” Jesu akati achinzwa izvozvo, akashamiswa naye, akatendeuka, akati kuvazhinji vakanga vachimutevera, “Ndinoti kwamuri, handina kumboona kutenda kwakadai, kunyange napakati pavaIsiraeri.” Vakanga vatumwa vachidzokera kumba, vakandowana muranda apora. Zvino nezuva rinotevera, akaenda kuguta rainzi Naini; vadzidzi vake navanhu vazhinji-zhinji vakaenda naye. Zvino, akati achiswedera pedyo nesuo reguta, akaona vanhu vakanga vakatakura munhu akafa, mwanakomana mumwe oga wamai vake, yaiva chirikadzi; navanhu vazhinji veguta vakanga vanaye. Zvino Ishe akati achimuona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari, “Usachema.” Ipapo akaswedera, akabata hwanyanza; vakanga vachitakura vakamira. Akati, “Jaya, ndinoti kwauri, muka.” Iye akanga afa akagara, akatanga kutaura; akamupa mai vake. Vose vakabatwa nokutya; vakarumbidza Mwari, vachiti, “Muporofita mukuru akamuka pakati pedu; uyezve Mwari akashanyira vanhu vake.” Shoko iri pamusoro pake rikazwika muJudhea rose nenyika yose yakapoteredza. Vadzidzi vaJohani vakamuudza izvozvo zvose. Johani akadana vadzidzi vake vaviri, akavatuma kuna Ishe neshoko rokuti, “Ko ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana tichakatarira mumwe?” Zvino varume vachisvika kwaari, vakati, “Johani Mubhabhatidzi akatitumira kwamuri neshoko rokuti, ko ndimi iye akanga achinzi anouya here, kana tichakatarira mumwe?” Nenguva iyo akaporesa vazhinji hosha dzavo, nohurwere, nemweya yakaipa; namapofu mazhinji akavasvinudza meso avo. Akapindura, akati kwavari, “Endai, mundoudza Johani zvamakaona nezvamakanzwa; zvokuti, mapofu anoona, vanokamhina vanofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vamatsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, navarombo vanoparidzirwa Vhangeri. Akaropafadzwa asingagumburwi neni.” Nhume dzaJohani dzakati dzabva, akatanga kuudza vanhu vazhinji pamusoro paJohani, achiti, “Makanga mabuda kundooneiko kurenje? Rutsanga runozununguswa nemhepo here? Asi makanga mabuda kundooneiko? Munhu akapfeka nguo nyoro here? Tarirai, vane nguo dzinobwinya, navanogara zvinonaka, vari mudzimba dzamadzimambo. Asi makanga mabuda kundooneiko? Muporofita here? Hongu, ndinoti kwamuri, ‘Anopfuura zvikuru muporofita.’ Uyu ndiye akanyorwa pamusoro pake, zvichinzi, ‘Tarira, ndinotuma munyai wangu pamberi pako, Achakugadzirira nzira yako pamberi pako.’ ” Ndinoti kwamuri, “Kuna vakaberekwa navakadzi, hakuna mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi; asi muduku muushe hwaMwari mukuru kwaari.” Zvino vanhu vose navateresi vakati vachizvinzwa vakati Mwari akarurama, zvavakanga vabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwaJohani. Asi vaFarisi navadudziri vomurayiro vakaramba kufunga kwaMwari pamusoro pavo, vakasabhabhatidzwa naye. “Naizvozvo vanhu vorudzi urwu ndichavafananidza neiko? Vakafanana nei? Vakafanana navana vagere padare, vanodanidzira, vachiti, ‘Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takakuririrai, mukasachema.’ Nokuti Johani Mubhabhatidzi akauya, asingadyi chingwa, asinganwi waini, zvino moti, ‘Ane mweya wakaipa.’ Mwanakomana womunhu akauya achidya, achinwa, zvino moti, ‘Tarirai, munhu anokara, nomunwi, neshamwari yavateresi navatadzi.’ Asi uchenjeri hunoruramiswa navana vahwo vose.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 7

Ruka 7:1-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Kuzoti Jesu apedza kutaura mashoko ake ose kuvanhu vakanga vakateerera, akapinda muKapenaumu. Zvino mumwe mutungamiri wezana aiva nomuranda waaida chaizvo. Muranda uyu akanga achirwara; ava kutoda kufa. Kuzoti mutungamiri wezana anzwa nezvaJesu, akatuma vakuru vakuru vavaJudha kwaari achikumbira kuti auye kuzoporesa muranda wake. Pavakasvika kuna Jesu, vakamukumbirisa vachiti, “Anokodzera kuti mumuitire izvi, nokuti anoda rudzi rwedu; ndiyezve akativakira sinagogu yedu.” Jesu akaenda navo. Kuzoti ava padyo neimba iyoyo, mutungamiriri wezana akatuma shamwari kwaari achiti, “Tenzi musazvinetse henyu, nokuti handikodzeri kuti mupinde mumba mangu, ndosakawo ndazviona ndiri asingakodzeri kuuya kwamuri. Asi ingotaurai izwi chete, muranda wangu achapora, nokuti ndiri munhu ari pasi pavakuru uye ndina masojawo pasi pangu. Ndinoti kune mumwe, ‘Enda,’ achienda, kuno mumwe: ‘Uya,’ achiuya. Kumuranda wangu ndinoti, ‘Ita ichi,’ achichiita.” Jesu paakazvinzwa, akashamiswa naye, akatendeukira kuchita chavanhu chakanga chichimutevera, akati, “Ndinoti kwamuri, kunyange muIsiraeri handisati ndamboona chitendero chakadai.” Vakanga vatumwa vaya pavakadzokera kumba kuya vakandowana muranda uya ave wadi. Kubvezvo Jesu akaenda kune rimwe guta rainzi Naini; vadzidzi vake negurumwandira ravanhu vakaenda naye. Kuzoti ava kusvika pasuo guru reguta iroro, houno munhu akanga akatembedzanwa, akafa, mwana mukomana aive ari ndiye mwana mumwechete oga waamai vake, uye amai ava vaiva chirikadzi. Vanhu vazhinji veguta iroro vaivaperekedza. Tenzi paakaona amai ava, akasiririswa navo ndokuti kwavari, “Chiregai zvenyu kuchema,” ndokuswedera obata hwanyanza; vainge vakatakura chitunha ndokumira. Jesu ndokuti, “Jaya, ndinoti kwauri, muka!” Muchakabvu akamuka, ndokugara, ndokutanga kutaura. Iye ndokumupa kuna amai vake. Vanhu vose vakabatwa nokutya, vakarumbidza Mwari vachiti, “Muporofita mukuru akamutswa mukati medu, Mwari azoshanyira vanhu vake.” Nyaya iyi yaitaura nezvake yakapararira muJudhea yose nomumatunhu ose akapoteredza. Johani akaudzwa zvinhu zvose izvi navadzidzi vake, ndokudana vadzidzi vake vaviri, akavatuma kuna Tenzi kundoti, “Ndimi mainzi muchauya here kana kuti tomirira mumwe?” Varume ava zvavakasvika kwaari vakati, “Johani Muombeki atituma kwamuri, achibvunza kuti, ‘Ko ndimi here uya akanzi achazouya kana kuti tomirira mumwe?’ ” Nenguva yakareyo Jesu aiporesa vazhinji vaiva nezvirwere namatenda, achidzinga mweya yakaipa; achisvinudzawo mapofu mazhinji. Jesu akavapindura achiti, “Endai mundoudza Johani zvamaona nezvamanzwa, zvokuti mapofu avakusvinudzwa, mhetamakumbo dzavakufamba, vana maperembudzi vavakunatswa, vamatsi vavakunzwa, vakafa vavakumutswa, varombo vavakuparidzwa shoko rakanaka. Akakomborerwa munhu asingagumburwi neni.” Nhume dzaJohani dzakati dzabva, Jesu akatanga kutaurira ruzhinji rwavanhu nezvaJohani achiti; “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga runozunguzwa nemhepo here? Zvino makaenda kundooneiko? Munhu akapfeka hanzu dzakapfavirira here? Inga wani munoziva kuti avo vanopfeka hanzu dzinokosha nokugara upenyu hwomutambaratede vari mumizinda yaMadzimambo. Ko zvino makaenda kundoonei? Muporofita here? Hongu, uyezve ndinoti kwamuri, munhu anotopfuura muporofita. Uyu ndiye uya akanyorwa nezvake zvichinzi, “ ‘Tarira ndinotuma nhume yangu mberi kwako, ichafanogadzirira nzira yako pamberi pako.’ “Ndinoti kwamuri, pavanhu vose vakazvarwa navakadzi hakuna mukuru kupinda Johani. Zvakadaro zvazvo muduku wokupedzisira muumambo hwaMwari mukuru kwaari.” Pakunzwa izvi, vanhu vose navateresiwo vakapembedza ururami hwaMwari nokuombekwa kwavakanga vaitwa noruombeko rwaJohani. Asi vaFarisei nenyanzvi dzoMutemo nokusaombekwa kwavo naJohani, vakaramba zvakarongwa naMwari pamusoro pavo. “Ko vanhu vechizvarwa chino ndingavaenzanise neiko? Uye vakafanana neiko? Vakafanana navana vagere pamusika vachidaidzirana vachiti, “ ‘Takakuridzirai nyere asi hamuna kutamba, takaungudza asi hamuna kuchema.’ “Nokuti Johani Muombeki akauya asingadyi chingwa kana kunwa waini, imi mukati, ‘Ane mweya wakaipa.’ Mwanakomana womunhu akauya achidya uye achinwa, moti munhu uyu ane nhafu uye chidhakwa neshamwari yavateresi navatadzi.” Kudaro ungwaru hunoratidzwa kuti ndohwechokwadi navose vanohugamuchira.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 7

Ruka 7:1-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino wakati apedzisa mashoko ake ose, ʋanhu ʋacianzwa, akapinda Kapernaume. Muranda womumŋe mukuru wezana waiɗikanwa naye, wakaŋga acirwara, acitandadza. Ɀino wakati anzwa ɀaJesu, akatuma ʋakuru ʋaʋaJuda kwaari acikumbira kuti aʋuye kuzoporesa muranda wake. Iʋo ʋakati ʋaciȿika kunaJesu, ʋakakumbira ɀikuru kwaari, ʋaciti: Iye wakafanira kuti mumuitire iɀoɀo; nokuti unoɗa rudzi rweɗu, ndiye wakatiʋakira sinagoge reɗu. Jesu akaenda naʋo. Ɀino aʋa pedyo neimba, mukuru wezana akatuma shamŋari dzake, kuzoti kwaari: Ishe, musaɀitambudza; nokuti handina‐kufanirwa kuti mupinde mumba maŋgu; naiɀoɀo ndakati handifaniri kuʋuya kwamuri; asi taurai henyu shoko, muranda waŋgu ucapora. Nokuti neni ʋo ndiri munhu wakaiswa pasi paʋamŋe, ndinaʋarwi pasi paŋgu; kana ndikati kunomumŋe: Enda! unoenda; kunomumŋe: Ʋuya! unoʋuya; nokumuranda waŋgu: Ita cici, unoita. Jesu wakati acinzwa iɀoɀo, akashamiswa naye, akatendeʋuka, akati kuʋazhinji ʋakaŋga ʋacimuteʋera: Ndinoti kwamuri: Handina‐kumboʋona kutenda kwakaɗai, kunyaŋge napakati paʋaIsraeri. Ʋakaŋga ʋatumŋa ʋacidzokera kumba, ʋakandowana muranda apora. Ɀino nezuʋa rinoteʋera, wakaenda kuguta rainzi Naini; ʋadzidzi ʋake naʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaenda naye. Ɀino, wakati acisweɗera pedyo nesuʋo reguta, akaʋona ʋanhu ʋakaŋga ʋakatakura wakafa, mŋanakomana mumŋe woga wamai ʋake, yaiʋa cirikadzi; naʋanhu ʋazhinji ʋeguta ʋakaŋga ʋanaye. Ɀino Ishe wakati acimuʋona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usacema. Ipapo akasweɗera, akaɓata bganyanza; ʋakaŋga ʋacitakura ʋakamira. Akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka. Iye wakaŋga afa akagara, akataŋga kutaura; akamupa mai ʋake. Ʋakaɓatwa ʋose nokutya; ʋakarumbidza Mŋari, ʋaciti: Muprofita mukuru wakamuka pakati peɗu; ʋuye ɀe: Mŋari wakashanyira ʋanhu ʋake. Shoko iri pamsoro pake rikanzwika muJudea rose nenyika yose yakapoteredza. Ʋadzidzi ʋaJohane ʋakamuʋudza iɀoɀo ɀose. Johane akaɗana ʋadzidzi ʋake ʋaʋiri, akaʋatuma kunaShe neshoko rokuti: Ko ndimi iye wakaŋga acinzi unoʋuya here, kana ticakatarira mumŋe? Ɀino ʋarume ʋaciȿika kwaari, ʋakati: Johane Mubapatidzi wakatitumira kwamuri neshoko rokuti: Ko ndimi iye wakaŋga acinzi unoʋuya here, kana ticakatarira mumŋe? Neŋguʋa iyo akaporesa ʋazhinji hosha dzaʋo, noʋurwere, nemŋeya yakaipa; namapofu mazhinji wakaaȿinudza. Akapindura, akati kwaʋari: Endai, mundoʋudza Johane ɀamakaʋona neɀamakanzwa; ɀokuti, mapofu anoʋona, ʋanokamhina ʋanofamba, ʋanamaperembudzi ʋanonatswa, ʋematsi ʋanonzwa, ʋakafa ʋanomutswa, naʋarombo ʋanoparidzirwa Evaŋgeri. Wakaropafadzwa usiŋgagumbuswi neni. Nhume dzaJohane dzakati dzabva, akataŋga kuʋudza ʋanhu ʋazhinji pamsoro paJohane, aciti: Makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko kurenje? Rutsaŋga runozunuŋguswa nemhepo here? Asi makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko? Munhu wakapfeka ŋguʋo nyoro here? Tarirai, ʋaneŋguʋo dzinobginya, naʋanogara ɀinonaka, ʋari mudzimba dzamadzimambo. Asi makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko? Muprofita here? Hoŋo, ndinoti kwamuri: Unopfuʋura ɀikuru muprofita. Uyu ndiye wakanyorwa pamsoro pake, ɀicinzi: Tarira, ndinotuma munyai waŋgu pamberi pako, Ucakugadzirira nzira yako pamberi pako. Ndinoti kwamuri: Kunaʋakaɓerekwa naʋakadzi, hakunomukuru kunaJohane Mubapatidzi; asi muɗuku muʋushe bgaMŋari mukuru kwaari. Ɀino ʋanhu ʋose naʋateresi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakati Mŋari wakarurama, ɀaʋakaŋga ʋabapatidzwa norubapatidzo rwaJohane. Asi ʋaFarise naʋaɗudziri ʋomurairo ʋakaramba kufuŋga kwaMŋari pamsoro paʋo, ʋakasabapatidzwa naye. Naiɀoɀo ʋanhu ʋorudzi urwu ndicaʋafananidza neiko? Ʋakafanana nei? Ʋakafanana naʋana ʋagere paɗare, ʋanoɗanidzirana, ʋaciti: Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takakuririrai, mukasacema. Nokuti Johane Mubapatidzi wakaʋuya, asiŋgadyi ciŋgwa, asiŋganwi waini, ɀino moti: Unomŋeya wakaipa. Mŋanakomana womunhu wakaʋuya acidya, acinwa, ɀino moti: Tarirai, munhu unokara, nomunwi, neshamŋari yaʋateresi naʋatadzi. Asi ʋucenjeri bgunoruramiswa naʋana ʋabgo ʋose.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Ruka 7

Ruka 7:1-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)