Ɀino wakati apedzisa mashoko ake ose, ʋanhu ʋacianzwa, akapinda Kapernaume.
Muranda womumŋe mukuru wezana waiɗikanwa naye, wakaŋga acirwara, acitandadza. Ɀino wakati anzwa ɀaJesu, akatuma ʋakuru ʋaʋaJuda kwaari acikumbira kuti aʋuye kuzoporesa muranda wake. Iʋo ʋakati ʋaciȿika kunaJesu, ʋakakumbira ɀikuru kwaari, ʋaciti: Iye wakafanira kuti mumuitire iɀoɀo; nokuti unoɗa rudzi rweɗu, ndiye wakatiʋakira sinagoge reɗu. Jesu akaenda naʋo. Ɀino aʋa pedyo neimba, mukuru wezana akatuma shamŋari dzake, kuzoti kwaari: Ishe, musaɀitambudza; nokuti handina‐kufanirwa kuti mupinde mumba maŋgu; naiɀoɀo ndakati handifaniri kuʋuya kwamuri; asi taurai henyu shoko, muranda waŋgu ucapora. Nokuti neni ʋo ndiri munhu wakaiswa pasi paʋamŋe, ndinaʋarwi pasi paŋgu; kana ndikati kunomumŋe: Enda! unoenda; kunomumŋe: Ʋuya! unoʋuya; nokumuranda waŋgu: Ita cici, unoita. Jesu wakati acinzwa iɀoɀo, akashamiswa naye, akatendeʋuka, akati kuʋazhinji ʋakaŋga ʋacimuteʋera: Ndinoti kwamuri: Handina‐kumboʋona kutenda kwakaɗai, kunyaŋge napakati paʋaIsraeri. Ʋakaŋga ʋatumŋa ʋacidzokera kumba, ʋakandowana muranda apora.
Ɀino nezuʋa rinoteʋera, wakaenda kuguta rainzi Naini; ʋadzidzi ʋake naʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaenda naye. Ɀino, wakati acisweɗera pedyo nesuʋo reguta, akaʋona ʋanhu ʋakaŋga ʋakatakura wakafa, mŋanakomana mumŋe woga wamai ʋake, yaiʋa cirikadzi; naʋanhu ʋazhinji ʋeguta ʋakaŋga ʋanaye. Ɀino Ishe wakati acimuʋona, akamunzwira tsitsi, akati kwaari: Usacema. Ipapo akasweɗera, akaɓata bganyanza; ʋakaŋga ʋacitakura ʋakamira. Akati: Jaya, ndinoti kwauri: Muka. Iye wakaŋga afa akagara, akataŋga kutaura; akamupa mai ʋake. Ʋakaɓatwa ʋose nokutya; ʋakarumbidza Mŋari, ʋaciti: Muprofita mukuru wakamuka pakati peɗu; ʋuye ɀe: Mŋari wakashanyira ʋanhu ʋake. Shoko iri pamsoro pake rikanzwika muJudea rose nenyika yose yakapoteredza.
Ʋadzidzi ʋaJohane ʋakamuʋudza iɀoɀo ɀose. Johane akaɗana ʋadzidzi ʋake ʋaʋiri, akaʋatuma kunaShe neshoko rokuti: Ko ndimi iye wakaŋga acinzi unoʋuya here, kana ticakatarira mumŋe? Ɀino ʋarume ʋaciȿika kwaari, ʋakati: Johane Mubapatidzi wakatitumira kwamuri neshoko rokuti: Ko ndimi iye wakaŋga acinzi unoʋuya here, kana ticakatarira mumŋe? Neŋguʋa iyo akaporesa ʋazhinji hosha dzaʋo, noʋurwere, nemŋeya yakaipa; namapofu mazhinji wakaaȿinudza. Akapindura, akati kwaʋari: Endai, mundoʋudza Johane ɀamakaʋona neɀamakanzwa; ɀokuti, mapofu anoʋona, ʋanokamhina ʋanofamba, ʋanamaperembudzi ʋanonatswa, ʋematsi ʋanonzwa, ʋakafa ʋanomutswa, naʋarombo ʋanoparidzirwa Evaŋgeri. Wakaropafadzwa usiŋgagumbuswi neni.
Nhume dzaJohane dzakati dzabva, akataŋga kuʋudza ʋanhu ʋazhinji pamsoro paJohane, aciti: Makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko kurenje? Rutsaŋga runozunuŋguswa nemhepo here? Asi makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko? Munhu wakapfeka ŋguʋo nyoro here? Tarirai, ʋaneŋguʋo dzinobginya, naʋanogara ɀinonaka, ʋari mudzimba dzamadzimambo. Asi makaŋga maɓuɗa kundoʋoneiko? Muprofita here? Hoŋo, ndinoti kwamuri: Unopfuʋura ɀikuru muprofita. Uyu ndiye wakanyorwa pamsoro pake, ɀicinzi:
Tarira, ndinotuma munyai waŋgu pamberi pako,
Ucakugadzirira nzira yako pamberi pako.
Ndinoti kwamuri: Kunaʋakaɓerekwa naʋakadzi, hakunomukuru kunaJohane Mubapatidzi; asi muɗuku muʋushe bgaMŋari mukuru kwaari. Ɀino ʋanhu ʋose naʋateresi ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakati Mŋari wakarurama, ɀaʋakaŋga ʋabapatidzwa norubapatidzo rwaJohane. Asi ʋaFarise naʋaɗudziri ʋomurairo ʋakaramba kufuŋga kwaMŋari pamsoro paʋo, ʋakasabapatidzwa naye. Naiɀoɀo ʋanhu ʋorudzi urwu ndicaʋafananidza neiko? Ʋakafanana nei? Ʋakafanana naʋana ʋagere paɗare, ʋanoɗanidzirana, ʋaciti: Takakuridzirai nyere, mukasatamba; takakuririrai, mukasacema. Nokuti Johane Mubapatidzi wakaʋuya, asiŋgadyi ciŋgwa, asiŋganwi waini, ɀino moti: Unomŋeya wakaipa. Mŋanakomana womunhu wakaʋuya acidya, acinwa, ɀino moti: Tarirai, munhu unokara, nomunwi, neshamŋari yaʋateresi naʋatadzi. Asi ʋucenjeri bgunoruramiswa naʋana ʋabgo ʋose.