Mumwe mupari wedzimosva akanga akarembedzwa akamushonha achiti, “Hausiwe Mesia here? Zviponeseka utiponesewo.” Asi mumwe uya akamutsiura achiti, “Hautyi Mwari here? Inga une chirango chimwechetecho naye. Kwatiri isu zvakakodzera nokuti tiri kuwana zvakakodzerana nezvatakaita. Asi uyu haana zvaakatadza.” Ndokubva ati, “Jesu mundiyeukewo kana masvika muumambo hwenyu.” Jesu akati kwaari, “Zvechokwadi ndinoti kwauri, uchava neni muparadhiso iye nhasi uno.” Ipapo yakanga yenge awa yegumi nechipiri uye nyika yose yakati rima tiba kusvikira paawa yechitatu masikati. Chiedza chezuva chakadzima; jira rokudzikatirisa romuTemberi rikabvaruka napakati. Jesu akadaidzira nezwi guru akati, “Baba ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu.” Apedza kutaura kudaro akabva afa. Mutungamiriri wezana ramasoja paakaona zvakanga zvaitika akarumbidza Mwari akati, “Zvechokwadi munhu uyu anga akarurama.” Gurumwandira rose ravanhu vakanga vaungana kuzoona zvaiitika, pavakaona zvakanga zvaitika, vakadzokera vangogumbata maoko nazvo. Vose vaizivana naye namadzimai ainge amutevera achibva kuGarirea vakamira vari chinhambwe vakaona zvinhu izvi. Kwaiva nomumwe murume ainzi Josefi aibva kuguta ravaJudha reArimatia aiva nhengo yedare guru uye ari munhu akanaka akarurama. Iye haana kunge awirirana navamwe pazvinangwa zvavo napane zvavakaita. Iye aitsvaga umambo hwaMwari. Murume uyu akaenda kuna Pirato akakumbira chitunha chaJesu. Akachidzikisa akachiputira mufuko rejira rerineni. Akamuradzika muguva rakanga raitwa zvokuchezerwa mudombo makanga musati mamboradzikwa munhu. Zvaraiva zuva rokugadzirira Pasika uye Sabata rakanga ravakutanga vakadzi vakanga vauya naye vachibva kuGarirea vakatevera vakaona guva racho uye kuti chitunha chakanga charadzikwa sei. Vakadzokera vakandogadzirira tunonhuwirira namafuta. Pazuva reSabata vakazorora sezvaidiwa nomutemo.
Verenga chikamu Ruka 23
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 23:39-56
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo