Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 23:39-56

Ruka 23:39-56 SNA2002

Mumwe wavatadzi vakanga vakaturikwa, akamutuka, achiti, “Hauzi Kristu here? Uzviponese, nesuo.” Mumwe akapindura, akamurayira, achiti, “Hautyi kunyange naMwari kanhi, zvauri pakutongwa kamwe naye? Kana tirisu, takaitirwa patakafanirwa napo; nokuti isu tinopiwa zvakafanira mabasa edu; asi uyu haana kuita chinhu chisakafanira.” Ipapo akati, “Jesu mundirangarire, kana mosvika muushe hwenyu!” Iye akati kwaari, “Zvirokwazvo, nhasi uchava neni muParadhiso.” Zvino yakanga yava nguva inenge yechitanhatu; rima rikavapo panyika yose, kusvikira panguva yepfumbamwe. Zuva rikasviba; chidzitiro chetemberi chikabvaruka napakati. Zvino Jesu akadana nezwi guru, achiti, “Baba, ndinoisa mweya wangu pamaoko enyu!” Akati areva izvozvo, akabudisa mweya wake. Ipapo mukuru wezana akati aona zvaitwa, akarumbidza Mwari achiti, “Zvirokwazvo, munhu uyu akanga akarurama.” Vazhinji vose vakanga vakaungana kuzoona izvozvo, vakati vaona zvaitwa, vakadzoka vachirova zvipfuva zvavo. Navazikanwi vake vose, navakadzi, vaimutevera vachibva Gariria, vakamira kure, vachiona izvozvo. Zvino kwakanga kuno mumwe munhu, ainzi Josefa, mumwe wamakurukota, murume akanaka akarurama, iye akanga asina kutenderana navo pakurangana, nokuita kwavo, aiva weArimatia, guta ravaJudha, akanga achimirira ushe hwaMwari; iye akaenda kuna Pirato, akandokumbira chitunha chaJesu, akachiburusa, akachiputira nomucheka, akachiuisa mubwiro hwakanga hwakacherwa pabwe, makanga musina kumbovigwa munhu. Waiva musi woKugadzirira, Sabata roda kutanga. Navakadzi vakanga vauya naye, vachibva Gariria, vakavatevera, vakaona bwiro, nomuisirwo womutumbi wake. Vakadzoka, vakagadzira zvinonhuwira namafuta. Vakazorora nomusi weSabata vachiterera murayiro.

Verenga chikamu Ruka 23