“Simoni, Simoni, tarisa uone Satani akumbira kuti akuzungurei sekoroni. Asi ndakunamatira kuti chitendero chako chirege kukundika. Kana uchinge wazotendeukazve simbisa hama dzako.” Pita akati, “Tenzi ndakagadzirira kuenda nemi kuJeri kana kurufu chaiko.” Iye akati kwaari, “Ndinokuudza Pita kuti, iye nhasi uno uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.”
Jesu akati kwavari, “Pandakakutumai musina chikwama kana tsapo kana shangu, pane chamakashaiwa here?” Vakati, “Hapana.” Iye akati kwavari, “Asi parizvino, uyo ane chikwama ngaachitore; ndizvo zvimwechetezvo neane tsapo. Uyowo asina bakatwa ngaatengese bhachi rake atenge bakatwa. Nokuti ndinokutaurirai kuti Magwaro Matsvene aya anofanira kuzadziswa mandiri anoti, ‘Akaverengerwa mukati mavatadzi nokuti zvakanyorwa nezvangu zvinofanira kuzadziswa.’ ” Ivo vakati, “Tarisai Tenzi, haano mapakatwa maviri.” Iye akavati, “Zvakwana.”
Akabuda akaenda, samaitiro ake kugomo reMiorivhi. Vadzidzi vake vakamutevera. Paakasvika panzvimbo iyoyo akati kwavari, “Namatai kuti murege kupinda mukuedzwa.” Iye akasudurukana navo chinhambwe chingasvike dombo kana rapotserwa. Akapfugama akanamata achiti, “Baba kana muchida henyu bvisai mukombe wenhamo uyu kwandiri asi kusave kuda kwangu asi kuda kwenyu ngakuitwe.”
[ Mutumwa akabva kudenga akazviratidza kwaari achimusimbaradza. Jesu achirwadziwa zvakanyanya kudaro, akatonyanya kunamata. Dikita rake rakaita samadonhwe makuru eropa achidonhera pasi.] Paakasimuka paainamata, akauya kuvadzidzi akavawana vakakotsira nemhaka yokusuwa. Akati kwavari, “Sei muchikotsira, mukai munamate kuti murege kupinda mukuedzwa.”
Paakanga achiri kutaura kudaro, kwakauya chikwata chavanhu nomumwe murume ainzi Judhasi mumwe wavane gumi navaviri achivatungamirira. Akaswedera kuna Jesu akamutsvoda. Asi Jesu akati kwaari, “Judhasi unotengesa Mwanakomana womunhu nokumutsvoda here?”
Vakanga vakamupoteredza pavakaona zvakanga zvavakuda kuitika vakati, “Tenzi totema namapakatwa here?” Mumwe wavo akabva atema muranda womupristi mukuru achimudimbura nzeve yake yokurudyi. Jesu akati, “Imi siyanayi nazvo izvi” akabata nzeve yake ndokumurapa. Jesu akataura kuvapristi vakuru namapurisa apaTemberi navakuru vakuru vakanga vauya kuzomusunga achiti, “Mauya namapakatwa netsvimbo sokunge muri kuvinga gororo. Asi pandaiva nemi zuva nezuva muTemberi imi hamuna kundisunga. Ino inguva yenyu nenguva yamasimba erima.”