“Simoni! Simoni! Tarira Satani akakumbira kuti akuzungurei imi sezviyo; asi ini ndakakukumbirira iwe, kuti kutenda kwako kurege kupera; iwe kana watendeuka, usimbise hama dzako.”
Akati kwaari, “Ishe, ndakazvigadzirira kuenda nemi mutorongo, kunyange kurufu.”
Akati, “Petirosi, ndinoti kwauri, nhasi, jongwe risati rarira, uchandiramba katatu uchiti haundizivi.”
Zvino akati kwavari, “Musi wandakakutumai, musina chikwama nehombodo neshangu, makashayiwa chinhu here?” Vakati, “Hakuna.”
Akati kwavari, “Asi zvino, ane chikwama, ngaachitore, nokudarowo ane hombodo; asinamunondo, ngaatengese nguo yake, autenge.
“Nokuti ndinoti kwamuri, kuti izvi zvakanyorwa zvinofanira kuitika kwandiri, zvinoti, ‘Akaverengwa pamwechete navadariki vomurayiro;’ nokuti izvo zvakanyorwa pamusoro pangu zvoitika.”
Ipapo vakati, “Ishe, tarirai, heyi minondo miviri.” Akati kwavari, “Zvaringana.”
Zvino akabuda, akaenda kugomo reMiorivhi, sezvaaisiita; navadzidzi vake vakamutevera. Akati asvika panzvimbo iyo, akati kwavari, “Nyengeterai kuti murege kupinda pakuedzwa.”
Akaparadzana navo, chinhambo chingasvika ibwe, kana rikaposherwa; akapfugama, akanyengetera, achiti, “Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu kwandiri! Asi kuda kwangu kurege kuitwa, asi kwenyu.” Ipapo mutumwa akaonekwa naye, akabva kudenga, akamusimbisa. Zvino, ari pakutambudzika kukuru, akanyanya kunyengetera; ziya rake rikaita samadonhwe eropa, akadonhera pasi.
Akasimuka pakunyengetera, akaenda kuvadzidzi, akavawana vavata neshungu dzomwoyo. Akati kwavari, “Mavatireiko? Mukai, munyengetere, kuti murege kupinda pakuedzwa.”
Akati achataura, tarira, vanhu vazhinji, naiye ainzi Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akavatungamirira; akaswedera kuna Jesu, kuti amutsvode. Jesu akati kwaari, “Judhasi, unopandukira Mwanakomana womunhu nokumutsvoda here?”
Zvino vaiva naye vakati vachina zvichaitika, vakati, “Ishe, totema neminondo here?”
Ipapo mumwe wavo akatema muranda womupristi mukuru, akamugura nzeve yorudyi. Jesu akapindura, akati, “Regai, zvaringana.” Akabata nzeve yake, akamuporesa. Zvino Jesu akati kuvapristi vakuru navakuru vetemberi, navakuru vakanga vauya kwaari kumubata, “Mabuda neminondo netsvimbo sokugororo here? Ndaiva nemi mutemberi mazuva ose mukasandibata; asi zvino inguva yenyu nesimba rerima.”