Nguva yacho payakasvika, akagara pakudya pamwechete navapositori. Akati kwavari, “Ndaidisisa kwazvo kudya chirariro ichi nemi ndisati ndatambudzika nokuti, ndinokuudzai kuti handichazochidya kusvikira chazadziswa muumambo hwaMwari.” Akatora mukombe akatenda ndokuti, “Torai mukombe uyu mugoverane pakati penyu nokuti ndinokuudzai kuti kubvira zvino handizonwazve muchero womugirepisi kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.” Akatorawo chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Uyu muviri wangu unopirirwemi. Itai izvi mugochindiyeuka nazvo.” Akaita zvimwechetezvo nomukombe mushure mechirariro achiti, “Mukombe uyu unoteurirwemi, chitenderano chitsva muropa rangu.
Verenga chikamu Ruka 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 22:14-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo