Zvino nguva yakati yasvika, akagara pakudya navapostori. Akati kwavari, “Ndakanga ndichida zvikuru kudya Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyi, kusvikira yaitika muushe hwaMwari.” Zvino akatora mukombe; akavonga, akati, “Torai ichi, mugovane pakati penyu. Nokuti ndinoti kwamuri, kubva zvino handichatongonwizve michero yomudzambiringa, kusvikira ushe hwaMwari hwasvika.” Akatora chingwa, akavonga, akamedura, akavapa, achiti, “Ichi muviri wangu, unopirwemi; itai izvi, mugondirangarira.” Nokudarowo, vapedza kurayira, akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwemi.
Verenga chikamu Ruka 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 22:14-20
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo