Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 22:1-30

Ruka 22:1-30 SCLB

Zvino zuva guru rechingwa chisina mbiriso rinonzi Pasika rakanga ravakuda kusvika. Vapristi vakuru nenyanzvi dzomutemo vakanga vachitsvaka kuti vangamuuraye sei nokuti vaitya vanhu. Zvino Satani akapinda muna Judhasi ainzi Isikarioti, aiva mumwe wavane gumi navaviri. Akaenda akandorangana navavakuru namapurisa kuti angamuturire sei kwavari. Vakafara vakatsidza kumupa mari. Iye akabvuma, akatsvaka nguva yakanaka yokumuturira kwavari nayo pasina vanhu vakawanda. Zuva guru reChingwa Chisina mbiriso rakazosvika rayiitwa hwayana yePasika chibayiro. Ipapo Jesu akatuma Pita naJohani achivati, “Endai mundotigadzirira Pasika kuti tigoidya.” Vakati kwaari, “Munoda kuti tindoigadzirira kupi.” Iye akati kwavari, “Pamunongoti pindei muguta muchasanganidzana nomurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei muimba yaanondopinda mugotaurira muridzi wemba iyoyo kuti, ‘Mudzidzisi ari kuti kwamuri, ko imba yavayeni mandichadyira Pasika navadzidzi vangu iripi?’ Iye achakuratidzai imba huru yapamusoro makanyatsorongedzwa. Imomo ndomomotigadzirira.” Vakaenda vakasvikowana sezvaakanga avataurira, ndokugadzirira Pasika. Nguva yacho payakasvika, akagara pakudya pamwechete navapositori. Akati kwavari, “Ndaidisisa kwazvo kudya chirariro ichi nemi ndisati ndatambudzika nokuti, ndinokuudzai kuti handichazochidya kusvikira chazadziswa muumambo hwaMwari.” Akatora mukombe akatenda ndokuti, “Torai mukombe uyu mugoverane pakati penyu nokuti ndinokuudzai kuti kubvira zvino handizonwazve muchero womugirepisi kusvikira umambo hwaMwari hwasvika.” Akatorawo chingwa akatenda ndokuchimedura akachipa kwavari achiti, “Uyu muviri wangu unopirirwemi. Itai izvi mugochindiyeuka nazvo.” Akaita zvimwechetezvo nomukombe mushure mechirariro achiti, “Mukombe uyu unoteurirwemi, chitenderano chitsva muropa rangu. “Asi chinzwai, achandipandukira ari kuseva neni mundiro. Mwanakomana womunhu anoenda zvake nenzira yaakatemerwa. Asi zvichamuwana munhu uyo anomutengesa.” Vakatanga kubvunzana kuti, “Ndiani wavo akanga achazoita izvozvo.” Pakamuka nharo pakati pavadzidzi dzokuti ndiani anofanira kutorwa somukuru wavo vose. Iye akati kwavari, “Madzimambo evechirudzi vanoita zvechisimba kuvanhu vavo. Uye vakuru vakuru vavo vanozviti vanasamwoyochena. Asi kwamuri hazvifaniri kudaro, mukuru pakati penyu ngaave iye somudiki. Uye mutungamiri aite somushandiri. Nokuti ndiani mukuru, agere pakudya here kana kuti muperekeri? Handiti ndouyo agere pakudya? Asika ndiri pakati penyu somuperekeri. “Imi ndimi makaramba muineni mumatambudziko angu, sokundipa kwakaita Baba umambo ini ndinohupawo kwomuri kuti muzodya nokumwa patafura neni muumambo hwangu makagara pazvigaro zvokutonga muchitonga madzinza gumi namaviri eIsiraeri.

Verenga chikamu Ruka 22