Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 22:1-30

Ruka 22:1-30 SNA2002

Zvino mutambo wezvingwa zvisina mbiriso, unonzi Pasika, wakaswedera. Vapristi vakuru navanyori vakatsvaka kuti vangamuuraya sei; nokuti vakanga vachitya vanhu. Zvino Satani akapinda kuna Judhasi ainzi Isikarioti, mumwe wavane gumi navaviri. Akaenda, akandorangana navapristi vakuru navakuru vetemberi, kuti angamuisa kwavari sei. Vakafara, vakatenderana naye vose kuti vamupe mari. Akatenda, akatsvaka nguva yokumuisa nayo kwavari pasina vanhu vazhinji Zvino zuva rezvingwa zvisina mbiriso rakati rasvika, rakafanira kubayirwa Pasika naro, akatuma Petirosi naJohani, achiti, “Endai, mundotigadzirira Pasika, kuti tidye.” Vakati kwaari, “Munoda kuti tigadzirirepiko?” Akati kwavari, “Tarirai, kana mapinda muguta, muchasangana nomunhu akatakura chirongo chemvura; mumutevere iye kumba kwaanoenda; muti kumuridzi weimba, ‘Mudzidzisi anoti kwauri, imba yavaeni iripiko, mandingadyira Pasika navadzidzi vangu? Achakuratidzai imba huru iri kumusoro, yakarongedzwa; gadzirai ipapo.’ ” Vakaenda, vakandowana sezvaakanga avaudza; vakagadzira Pasika. Zvino nguva yakati yasvika, akagara pakudya navapostori. Akati kwavari, “Ndakanga ndichida zvikuru kudya Pasika iyi nemi ndisati ndatambudzika. Nokuti ndinoti kwamuri, handichazoidyi, kusvikira yaitika muushe hwaMwari.” Zvino akatora mukombe; akavonga, akati, “Torai ichi, mugovane pakati penyu. Nokuti ndinoti kwamuri, kubva zvino handichatongonwizve michero yomudzambiringa, kusvikira ushe hwaMwari hwasvika.” Akatora chingwa, akavonga, akamedura, akavapa, achiti, “Ichi muviri wangu, unopirwemi; itai izvi, mugondirangarira.” Nokudarowo, vapedza kurayira, akatora mukombe, akati, “Mukombe uyu isungano itsva muropa rangu, rinoteurirwemi. “Asi tarirai, ruoko rwaiye, anondipandukira, runeni patafura. “Nokuti Mwanakomana womunhu anoenda hake, sezvazvakatemwa; asi anenhamo munhu uyo waanopandukirwa naye.” Ipapo vakatanga kubvunzana kuti ndianiko kwavari angaita chinhu icho. Zvino nharo dzakamuka pakati pavo kuti ndiani kwavari achanzi mukuru. Akati kwavari, “Madzimambo avahedheni ane simba pamusoro pavo, navabati vavo vanonzi, ‘Vabatsiri.’ Zvino imi musadaro, asi mukuru kwamuri ngaave somuduku, nomutungamiri soanoshandira. Nokuti ndianiko mukuru, agere pakudya, kana anoshandira? Haazi iye ugere pakudya here? Asi ini ndiri pakati penyu sounoshumira. “Zvino imi ndimi mavakugara neni pamiedzo yangu. Ndinokugarisai nhaka youshe saBaba vangu vakandigarisa nhaka, kuti mugodya nokunwa patafura rangu muushe hwangu; muchagara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri.”

Verenga chikamu Ruka 22