“Kuchava nezviratidzo kuzuva nokumwedzi nokunyenyedzi. Panyika pachava nokutambura kwamarudzi; vachashaiswa mazano nokutinhira kwegungwa namasaisai. Vanhu zvichavapedza simba nokutya nokufunga zvichavawira panyika nokuti masimba omudenga achazungunutswa. Ndipo pavachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore aine simba nembiri huru. Zvino kana izvozvo zvoitika, tarirai kudenga musimudze musoro nokuti kununurwa kwenyu kunenge kwava pedyo.” Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Tarisai muonde nemiti yose kana yopfumvudza munobva mangozvionera uye munobva maziva kuti zhizha ravakusvika. Naizvozvo kana moona zvinhu izvi zvavakuitika, munobva maziva kuti umambo hwaMwari hwava pedyo. Zviro kwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachimbopfuura kusvika zvose izvi zvaitika. Denga napasi zvichapera asi mashoko angu haaperi. “Zvingwarirei kuti musaodzwe mwoyo noupenyu husina paho nokuraradza nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu huno, zuva iroro richizoyerekana rakusvikirai seriva nokuti richasvikira munhu wose anogara pamusoro payo nyika yose. Ngwarirai nguva dzose muchinamata kuti muwane simba rokupunyuka zvose izvi zvichaitika uye kuti mukwanise kuzomira pamberi peMwanakomana womunhu.” Mazuva ose, Jesu aidzidzisa muTemberi asi usiku aienda wondorara kugomo rinonzi Orivheti. Mangwanani vanhu vose vaizouya kwaari muTemberi kuti vamunzwe.
Verenga chikamu Ruka 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 21:25-38
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo