Ruka 21:25-38
Ruka 21:25-38 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Kuchava nezviratidzo pazuva, pamwedzi napanyeredzi. Panyika, ndudzi dzichatambudzika uye dzichakanganiswa nokutinhira uye namasaisai egungwa. Vanhu vachapera simba nokutya, nokutarisira zvichawira nyika, nokuti masimba okumatenga achazungunuswa. Panguva iyo vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya mugore nesimba nokubwinya kukuru. Panotanga kuitika zvinhu izvi, mumire mugosimudza misoro yenyu, nokuti dzikinuro yenyu yoswedera.” Akavaudza mufananidzo uyu akati, “Tarirai muti womuonde nemiti yose. Painenge ichitungira mashizha, munogona kuona pachenyu nokuziva kuti zhizha rava pedyo. Nokudarowo, pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, muzive kuti umambo hwaMwari hwava pedyo. “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira zvinhu izvi zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri. “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa, kudhakwa nokufunganya kwoupenyu, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva musina kuzvitarisira. Nokuti richasvika pamusoro pavose vagere pamusoro penyika yose. Garai makagadzirira, uye munyengetere kuti mugogona kupunyuka pazvose izvo zvava kuda kuitika, uye kuti mugogona kumira pamberi poMwanakomana woMunhu.” Zuva rimwe nerimwe Jesu aidzidzisa patemberi, uye madekwana oga oga achindopedza usiku hwose ari muGomo reMiorivhi, uye vanhu vose vaiuya patemberi mangwanani-ngwanani kuti vazomunzwa.
Ruka 21:25-38 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, napanyeredzi; napanyika hurombo hwavanhu, vachikanganiswa nokutinhira kwegungwa namafungu; vanhu vachapera nokutya nokutarira zvinowira nyika; nokuti masimba okudenga achadengenyeka. Ipapo vachaona Mwanakomana womunhu achiuya negore, nesimba nokubwinya kukuru. Asi kana izvozvi zvichitanga kuitika, tarirai kumusoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunungurwa kwenyu kwaswedera.” Zvino akavataurira mufananidzo, achiti, “Tarirai muonde nemiti yose. Kana yotunga, mukazviona, munoziva kuti zvino zhizha rava padyo. “Saizvozvo, nemiwo, kana moona izvozvo zvoitwa, zivai kuti ushe hwaMwari hwava padyo. “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri, kusvikira zvose zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri. “Chenjerai, kuti mwoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokuraradza, nokufunganya pamusoro pezvinhu zvoupenyu huno, kuti zuva iro rirege kukuwirai seriva. Nokuti richawira vose vagere panyika yose. Asi rindai nenguva dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka pazvinhu izvi zvose zvinozoitwa, mugomira pamberi poMwanakomana womunhu.” Zvino aidzidzisa masikati mutemberi, asi usiku aibuda, akandovata mugomo rinonzi reMiorivhi. Vanhu vose vakauya kwaari mutemberi mangwanani, kuzomunzwa.
Ruka 21:25-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kuchava nezviratidzo kuzuva nokumwedzi nokunyenyedzi. Panyika pachava nokutambura kwamarudzi; vachashaiswa mazano nokutinhira kwegungwa namasaisai. Vanhu zvichavapedza simba nokutya nokufunga zvichavawira panyika nokuti masimba omudenga achazungunutswa. Ndipo pavachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore aine simba nembiri huru. Zvino kana izvozvo zvoitika, tarirai kudenga musimudze musoro nokuti kununurwa kwenyu kunenge kwava pedyo.” Akavataurira mumwe muenzaniso achiti, “Tarisai muonde nemiti yose kana yopfumvudza munobva mangozvionera uye munobva maziva kuti zhizha ravakusvika. Naizvozvo kana moona zvinhu izvi zvavakuitika, munobva maziva kuti umambo hwaMwari hwava pedyo. Zviro kwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachimbopfuura kusvika zvose izvi zvaitika. Denga napasi zvichapera asi mashoko angu haaperi. “Zvingwarirei kuti musaodzwe mwoyo noupenyu husina paho nokuraradza nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu huno, zuva iroro richizoyerekana rakusvikirai seriva nokuti richasvikira munhu wose anogara pamusoro payo nyika yose. Ngwarirai nguva dzose muchinamata kuti muwane simba rokupunyuka zvose izvi zvichaitika uye kuti mukwanise kuzomira pamberi peMwanakomana womunhu.” Mazuva ose, Jesu aidzidzisa muTemberi asi usiku aienda wondorara kugomo rinonzi Orivheti. Mangwanani vanhu vose vaizouya kwaari muTemberi kuti vamunzwe.
Ruka 21:25-38 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀiratidzo ɀicaʋa’po pazuʋa napamŋedzi, napanyeredzi; napanyika ʋurombo bgaʋanhu, ʋacikaŋganiswa nokutinhira kweguŋgwa namafuŋgu; ʋanhu ʋacapera nokutya nokutarira ɀinowira nyika; nokuti masimba okuɗeŋga acaɗeŋgenyeka. Ipapo ʋacaʋona Mŋanakomana womunhu aciʋuya negore, nesimba rokubginya kukuru. Asi kana iɀoɀi ɀicitaŋga kuitika, tarirai kumsoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunuŋgurwa kwenyu kwasweɗera. Ɀino akaʋataurira mufananidzo, aciti: Tarirai muʋonde nemiti yose; Kana yotuŋga, mukaɀiʋona, munoziʋa mumene, kuti ɀino zhezha raʋa pedyo. Saiɀoɀo, nemi ʋo, kana moʋona iɀoɀo ɀoitwa, ziʋai kuti ʋushe bgaMŋari bgaʋa pedyo. Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Rudzi urwu haruŋgatoŋgopfuʋuri, kuȿikira ɀose ɀaitika. Ƌeŋga nenyika ɀicapfuʋura, asi mashoko aŋgu haaŋgatoŋgopfuʋuri. Cenjerai, kuti mŋoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokuɓatwa, nokufuŋganya pamsoro peɀinhu ɀoʋupenyu bguno, kuti zuʋa iro rirege kukuwirai seriʋa. Nokuti ricawira ʋose ʋagere panyika yose. Asi rindai neŋguʋa dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka paɀinhu iɀi ɀose ɀinozoitwa, mugomira pamberi poMŋanakomana womunhu. Ɀino waidzidzisa masikati mutembere, asi ʋusiku waiɓuɗa, akandoʋata mugomo rinonzi reMiorivi. Ʋanhu ʋose ʋakaʋuya kwaari mutembere maŋgwanani, kuzomunzwa.
Ruka 21:25-38 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)