Ɀiratidzo ɀicaʋa’po pazuʋa napamŋedzi, napanyeredzi; napanyika ʋurombo bgaʋanhu, ʋacikaŋganiswa nokutinhira kweguŋgwa namafuŋgu; ʋanhu ʋacapera nokutya nokutarira ɀinowira nyika; nokuti masimba okuɗeŋga acaɗeŋgenyeka. Ipapo ʋacaʋona Mŋanakomana womunhu aciʋuya negore, nesimba rokubginya kukuru. Asi kana iɀoɀi ɀicitaŋga kuitika, tarirai kumsoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunuŋgurwa kwenyu kwasweɗera.
Ɀino akaʋataurira mufananidzo, aciti: Tarirai muʋonde nemiti yose; Kana yotuŋga, mukaɀiʋona, munoziʋa mumene, kuti ɀino zhezha raʋa pedyo. Saiɀoɀo, nemi ʋo, kana moʋona iɀoɀo ɀoitwa, ziʋai kuti ʋushe bgaMŋari bgaʋa pedyo. Ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Rudzi urwu haruŋgatoŋgopfuʋuri, kuȿikira ɀose ɀaitika. Ƌeŋga nenyika ɀicapfuʋura, asi mashoko aŋgu haaŋgatoŋgopfuʋuri.
Cenjerai, kuti mŋoyo yenyu irege kuremedzwa nokudyisa nokuɓatwa, nokufuŋganya pamsoro peɀinhu ɀoʋupenyu bguno, kuti zuʋa iro rirege kukuwirai seriʋa. Nokuti ricawira ʋose ʋagere panyika yose. Asi rindai neŋguʋa dzose, mukumbire, kuti mugone kupukunyuka paɀinhu iɀi ɀose ɀinozoitwa, mugomira pamberi poMŋanakomana womunhu.
Ɀino waidzidzisa masikati mutembere, asi ʋusiku waiɓuɗa, akandoʋata mugomo rinonzi reMiorivi. Ʋanhu ʋose ʋakaʋuya kwaari mutembere maŋgwanani, kuzomunzwa.