Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 2:36-52

Ruka 2:36-52 SCLB

Kwaivawo nomumwe muporofitakadzi ainzi Ana, mwanasikana waFanuero, wedzinza raAsheri. Iye akanga atokwegura. Akangogara nomurume wake kwamakore manomwe chete kubvira umhandara hwake, ndokuzogara sechirikadzi kusvikira ava namakore makumi masere ana mana. Haaisiyana neTemberi, maaishandira Mwari siku nesikati, nokutsanya nokunamata. Akauyawo nenguva yakareyo akatenda Mwari ndokutaura nezvomwana uyu kuna vose vaimirira kununurwa kweJerusaremu. Zvino kuzoti vapedza kuita zvose zvaidiwa noMutemo waTenzi vakadzokera Garirea kuguta ravo reNazareti. Mwana uyu akakura akasimba, akazara noungwaru, nechikomborero chaMwari chaive chiri paari. Gore negore vabereki vake vaienda kuJerusaremu kumazuva makuru ePasika. Kuzoti Jesu ava namakore gumi namaviri, vakakwirako samaitiro avo. Zvino kuzoti mazuva makuru ePasika apera, vodzokera kumusha, mukomana Jesu akasara kuJerusaremu. Vabereki vake havana kuzviziva. Vakafamba rwendo rwomuswere wezuva vachifunga kuti ari mukati mavamwe vavaifamba navo. Vakazomutsvaga mukati mehama neshamwari dzavo. Zvavakamushaya vakadzokera Jerusaremu vachimutsvaka. Nezuva rechitatu vakazomuwana ari muTemberi agere pakati pavadzidzisi achiteerera zvavaitaura achivabvunzawo mibvunzo. Vose vakamunzwa vakashamiswa nokunzwisisa kwake nemhinduro dzake. Vabereki vake, pavakamuona vakashamiswa kwazvo. Ipapo amai vake vakati, “Nhai mwanangu, wakaitireiko zvinhu zvakadai kwatiri? Tarisa uone Baba vako neni takatambudzika kwazvo tichikutsvaka.” Iye akavapindura achiti, “Chakaita kuti munditsvake kumwe kwese chii? Makanga musingazive here kuti ndinofanira kuva muimba yaBaba vangu?” Asi ivo havana kunzwisisa zvaakavataurira. Akadzika navo akasvika kuNazareti, kwaakagara navo achivateerera. Amai vake vakapfundira zvinhu zvose izvi mumwoyo mavo. Zvino Jesu akakura muungwaru, nomumhu wake, nomukudiwa naMwari navanhu.

Verenga chikamu Ruka 2