Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 2:36-52

Ruka 2:36-52 SNA2002

Zvino kwakanga kuna Anawo, muporofitakadzi, mukunda waFanueri, worudzi rwaAsheri; iye wakanga achembera kwazvo, akanga anomurume makore manomwe kubvira pahumhandara hwake, akanga ari chirikadzi yaiva namakore makumi masere namana, akanga asingabvi mutemberi, achishumira Mwari nokuzvinyima zvokudya nokukumbira usiku namasikati. Naiye akati achisvika nenguva iyo, akatenda Mwari, akataura pamusoro pake kuna vose vakanga vachitarira kusunungurwa kweJerusaremu. Zvino vakati vapedza zvose zvomurayiro waIshe, vakadzokera Gariria, kuguta ravo Nazareta. Mwana akakura, akasimba, akazara nenjere; nenyasha dzaMwari dzikava pamusoro pake. Zvino vabereki vake vaisienda Jerusaremu makore ose kumutambo wePasika. Zvino iye akati ava namakore ane gumi namaviri, akakwirako netsika yomutambo. Vakati vapedza mazuva, pakudzoka kwavo mwana Jesu akasara Jerusaremu, vabereki vake vasingazivi. Asi zvavaiti zvimwe ari kuna vamwe vakanga vari panzira navo, vakafamba zuva rimwe, vakazomutsvaka kuhama dzavo nokushamwari dzavo. Vakati vamushaiwa, vakadzokera Jerusaremu vachimutsvaka. Mazuva matatu akati apfuura, vakamuwana ari mutemberi, agere pakati pavadzidzisi achiteerera nokuvabvunza. Vose vakanga vachimunzwa, vakashamiswa nokuziva kwake uye nokupindura kwake. Zvino vakati vamuona, vakakatyamara; mai vake vakati kwaari, “Mwana, watiitireiko zvakadai? Tarira, baba vako neni takakutsvaka tichichema.” Akati kwavari, “Makanga muchinditsvakireiko? Makanga musingazivi kuti ndinofanira kuva pazvinhu zvaBaba vangu here?” Vakasanzwisisa shoko raakavaudza. Ipapo akaburuka navo, akasvika Nazareta, akavateerera. Mai vake vakachengeta mashoko iwayo ose mumwoyo mavo. Jesu akaramba achienda mberi pakuchenjera, napakukura, napakufadza Mwari navanhu.

Verenga chikamu Ruka 2