Mumwe mutongi akabvunza Jesu achiti, “Mudzidzisi wakanaka. Ndingaitei kuti ndiwane upenyu husingaperi?” Jesu akati kwaari, “Sei uchinditi ndakanaka? Hakuna wakanaka asi Mwari woga. Inga unoziva wani mitemo, inoti usaite upombwe, usauraye, usabe, usaite uchapupu hwenhema remekedza baba naamai vako.” Iye akati, “Yose iyi ndakaichengeta kubvira paudiki hwangu.” Jesu paakazvinzwa akati kwaari, “Pane chinhu chimwechete chausina. Tengesa zvose zvaunazvo uzvigovere kuvarombo. Uchava noupfumi kudenga; ugouya ozonditevera.” Paakanzwa izvi akasuruvara nokuti akanga akapfuma zvikuru.
Jesu akamutarisa akati, “Zvakaoma sei kuti vano upfumi vapinde muumambo hwaMwari. Zviri nyore kuti ngamera ipinde napaburi retsono panokuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.” Avo vakazvinzwa vakati, “Kana zvakadaro ndiani angaponeswe.” Asi iye akati, “Zvisingagoneki navanhu zvinogoneka naMwari.”
Pita akazoti, “Tarisai muone, isu takasiya misha yedu tikakuteverai.” Iye akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ‘Hakuna munhu akasiya musha kana mukadzi kana vakoma kana vaunun'una kana vabereki kana vana pamusana poumambo hwaMwari asingazowani zvakapetwa kakawanda kupinda izvozvo panguva ino uye upenyu husingaperi munguva ichauya.’ ”
Jesu akatora vane gumi navaviri akati kwavari, “Chinzwai, tavakukwira kuJerusaremu. Zvose zvakanyorwa navaporofita nezveMwanakomana womunhu zvichazadziswa. Nokuti achandoiswa mumaoko evechirudzi, achasveeredzwa achiitirwa zvinonyadzisa nokusvipirwa mate. Vachamurova zvakanyanya vozomuuraya asi achizomuka pazuva retatu.” Pazvinhu izvi hapana chavakanzwisisa. Zvaakataura izvi zvakanga zvakavanzwa kwavari. Havana kubata zvaaireva.
Paakaswedera kuJeriko, rimwe bofu rakanga rigere parutivi rwenzira richipemha parakanzwa mhomho yavanhu ichipfuura, rakabvunza kuti, “Kwauyei?” Vakati kwaari, “Jesu weNazareti ari kupfuura nepo.” Iye akashevedzera achiti, “Jesu Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Vakanga vari mberi vakamutsiura vachimuti anyarare asi iye akatoshevedzera zvakatonyanya achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi ndinzwireiwo tsitsi.” Jesu akamira akati ngaauiswe kwaari. Paakasvika pedyo, akamubvunza achiti, “Chii chaunoda kuti ndikuitire.” Akati, “Tenzi itai kuti ndione.” Jesu akati kwaari, “Chiona zvako. Chitendero chako chakuponesa.” Pakarepo akabva avakuona akatevera Jesu achirumbidza Mwari. Vanhu vose pavakazviona vakarumbidza Mwari.