Zvimo mumwe mukuru wakamubvunza, akati, “Mudzidzisi akanaka, ndingaiteiko kuti ndigare nhaka youpenyu husingaperi?”
Jesu akati kwaari, “Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna akanaka, asi mumwechete, iye Mwari. Mirayiro unoiziva, inoti, ‘Usaita upombwe, usauraya, usaba, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.’ ”
Iye akati, “Izvi zvose ndakazvichengeta kubva pauduku hwangu.”
Zvino Jesu achizvinzwa, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwechete; tengesa zvose zvaunazvo, upe varombo, uve nepfuma kudenga; ugouya, unditevere.”
Zvino akati achinzwa izvozvo, akabatwa neshungu kwazvo; nokuti akanga ane pfuma zhinji. Zvino Jesu, achimuona, akati, “Vane pfuma vacharemerwa sei kupinda muushe hwaMwari.
“Nokuti ngamera ingarerukirwa kupinda paburi retsono, kumupfumi kupinda muushe hwaMwari.”
Zvino vakanga vazvinzwa, vakati, “Ndianiko angagoponeswa?”
Iye akati, “Izvo zvisingabviri kuvanhu, zvinobvira kuna Mwari.”
Ipapo Petirosi akati, “Tarirai, isu takasiya zvose, tikakuteverai.”
Akati kwavari, “Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, ‘Hakuna munhu akasiya imba, kana mukadzi, kana vanun'una kana vabereki, kana vana, nokuda kwoushe hwaMwari, asingazopiwi zvizhinji kuna izvozvo nenguva ino, uye upenyu husingaperi nenguva inouya.’ ”
Zvino akatora vane gumi navaviri, akati kwavari, “Tarirai, tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaitirwa zvose zvakanyorwa navaporofita.
“Nokuti achaiswa kuvahedheni, nokusekwa, nokuitirwa zvakaipa, nokupfirwa mate, vachamurova, nokumuuraya, asi nezuva retatu achamukazve.”
Asi havana kunzwisisa chinhu chimwe chaizvozvo; shoko iri rakanga rakavanzika kwavari, uye havana kunzwisisa izvo zvakarehwa.
Zvino akati aswedera Jeriko, rimwe bofu raigara panzira richikumbira, rakanzwa vanhu vazhinji vachipfuura, rikabvunza, richiti, “Chinyiko?”
Vakariudza, vachiti, “NdiJesu weNazareta anopfuura.”
Ipapo rakadanidzira, richiti, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
Zvino vakanga vakatungamira vakariraira, kuti rinyarare; asi rakanyanya kudanidzira, richiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni!”
Zvino Jesu akamira, akarayira kuti vauye naro kwaari; rikati raswedera, akaribvunza, achiti, “Unoda kuti ndikuitireiko?” Rikati, “Ishe, kuti ndione.”
Jesu akati kwariri, “Chiona, kutenda kwako kwakuponesa.”
Pakarepo rikaona, rikamutevera, richirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizviona, vakakudza Mwari.