Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 17:27-37

Ruka 17:27-37 SCLB

Vanhu vaidya nokumwa vachiroora nokuroorwa kusvikira pazuva rakapinda Nowa mungarava. Mafashamo akauya akavaparadza vose. Naizvozvowo zvakaitika pamazuva aRoti; vanhu vaidya vachinwa vachitenga nokutengesa vachidyara nokuvaka. Asi pazuva rakabuda Roti muSodhomu, moto nesarufa zvakanaya zvichibva kudenga zvikavaparadza vose. Ndizvozvowo zvazvichaita pazuva richaoneswa Mwanakomana womunhu. Pazuva iroro anenge ari pamusoro pemba aine zvinhu zvake mumba, ngaarege kuburukira kuzozvitora. Ndizvo zvimwechetezvo naari kumunda, ngaarege kudzokera. Yeukai mudzimai waRoti. Uyo anotsvaka kuzviponesa upenyu acharasikirwa nahwo. Asi uyo anorasikirwa noupenyu hwake anohuchengetedza. Ndinokuudzai kuti usiku ihoho vaviri vanenge vakarara pamubhedha mumwechete, mumwe achatorwa mumwe achisara. Vakadzi vaviri vanenge vari paguyo vachikuya pamwechete, mumwe achatorwa, mumwe achisiiwa.” [Vamwe vanenge vari mumunda, mumwe achatorwa mumwe achisiiwa.] Vakati kwavari, “Kuri kupiko ikoko nhai Tenzi?” Iye akati, “Pane chitunha magora ndipo panoungana.”

Verenga chikamu Ruka 17