Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 15:3-7

Ruka 15:3-7 SCLB

Nokudaro Jesu akavataurira muenzaniso uyu achiti, “Ndoupi munhu pakati penyu anenge ane zana rehwai, akarasa imwechete yadzo, asingasiyi makumi mapfumbamwe ane pfumbamwe kumafuro achienda kundotsvaka yakarasika iya kusvikira aiwana? Kana aiwana anoitakura pamafudzi ake achifara. Paanosvika kumusha anodaidza shamwari dzake navavakidzani vake ovati, ‘Farai pamwechete neni nokuti ndawana hwai yangu yakanga yarasika.’ Naizvozvowo ndinokuudzai kuti pachava nomufaro mukuru kudenga wokufarira mutadzi mumwechete anopinduka kupfuura kufarirwa kunoitwa makumi mapfumbamwe ana vapfumbamwe avanhu vakarurama vasina chavangadire kupinduka.

Verenga chikamu Ruka 15