Zvino akavaudza mufananidzo uyu, achiti, “Ndianiko kwamuri anamakwai ane zana, kana akarasikirwa neimwe yadzo, angasasiya makumi mapfumbamwe namapfumbamwe murenje, akatevera rakarasika kusvikira ayiwana? “Kana ayiwana, anoriisa pamafudzi ake, achifara. Kana asvika kumusha, anokokera shamwari dzake navavakidzani naye, achiti kwavari, ‘Farai neni, nokuti ndawana hwai yangu yakanga yakarasika.’ “Ndinoti kwamuri, saizvozvo mufaro uchava kudenga pamusoro pomutadzi mumwe anotendeuka, kupfuura pavakarurama vana makumi mapfumbamwe navapfumbamwe, vasingatsvaki kutendeuka.
Verenga chikamu Ruka 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 15:3-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo