Akapa muenzaniso kune vakakokwa paakanga aona vachisarudza zvigaro zvavakuru vakuru achiti kwavari, “Kana uchinge wakokwa nani zvake kumabiko omuchato, rega kugara pachigaro chavakuru vakuru. Pangadaro pakakokwa munhu mukuru kupfuura iwe. Zvino iye akukokai mose angauye oti kwauri chipa nzvimbo yako kune munhu uyu. Ndipo paunozotangisa, kundogara pachigaro chevepasi pasi uchinyara. Asi kana wakakokwa enda undogara panzvimbo yapasi pasi kuitira kuti uya akukoka akauya, ati kwauri, ‘Shamwari kwira kumusoro.’ Unobva waremekedzwa pamberi pavanhu vose vagere pakudya newe, nokuti munhu wose anozvikudza achaninipiswa. Nouyo anozvininipisa achakudzwa.” Akataurirawo munhu akanga amukoka achiti, “Kana wagadzira chokudya kana mabiko, rega kukoka shamwari dzako kana vakoma navanun'una vako, kana hama dzako kana kuti vavakidzani vako vapfumi nokuti vangadaro vakazokukokawo uchizoripwa. Asi kana waita mabiko, koka varombo nezvirema nemhetamakumbo, namapofu. Uchakomborerwa nokuti havagoni kuzokudzorerawo. Unozodzorerwa pakumuka kwavakarurama.”
Verenga chikamu Ruka 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 14:7-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo