Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 14:7-14

Ruka 14:7-14 SNA2002

Zvino akataura mufananidzo kuna vakakokerwa, nokuti akaona vachizvisanangurira zvigaro zvapamberi, akati kwavari, “Kana iwe uchinge wakokerwa nomunhu kumuchato, usagara pachigaro chapamberi; zvimwe mumwe, anokudzwa kupinda iwe, akokerwawo naye; zvino akakukokera iwe naye, angasvika, akati kwauri, ‘Ibvapo, munhu uyu agare; ipapo uchatanga kugara kuchigaro cheshure uchinyarara.’ Asi kana wakokerwa, enda ugare pachigaro cheshure, kuti uyo akakukokera, kana achisvika, agoti kwauri, ‘Shamwari, pinda mberi!’ Zvino uchakudzwa iwe pamberi pavose vagere pakudya, newe. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza, achaninipiswa; uye mumwe nomumwe anozvininipisa, achakudzwa.” Akatiwo kune akamukokera, “Kana wagadzira chisvusvuro kana chirariro, usadana shamwari dzako, kana vanun'una vako, kana hama dzako, kana vavakidzani vako, kuti varege kukukokerazve, ugoripirwa. Asi kana wagadzira mutambo wokudya, ukokere varombo, nezvirema, navanokamhina, namapofu. “Ipapo ucharopafadzwa, zvavasina zvavangakuripira nazvo, nokuti ucharipirwa pakumuka kwavakarurama.”

Verenga chikamu Ruka 14