Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 14:15-24

Ruka 14:15-24 SCLB

Mumwe munhu akanga agere naye pakudya paakanzwa izvi, akati kwaari, “Akakomborerwa zvake achadya zvokudya muumambo hwaMwari.” Asi Jesu akati kwaari, “Mumwe munhu akaita mabiko makuru, akakoka vanhu vakawanda.” Panguva yamabiko akatuma varanda vake kune vakanga vakokwa vaya achiti, “Chiuyai, zvinhu zvose zvino zvagadzirwa; asi zvimwechetezvo, vose zvavo, vakatanga kupa zvikonzero. Wokutanga akati, ‘Ndatenga purazi, ndinofanira kundoiona, ndinokumbira kuti mundiregererewo.’ Mumwewo akati, ‘Ndatenga zvipani zvamadhonza zvishanu, ndinofanira kuenda ndimbondoaedza. Ndinokumbirai kuti mundiregererewo.’ Mumwewo akati, ‘Ndaroora mudzimai nezvo handigoni kuuya.’ Saizvozvo muranda akauya akataurira izvi kuna tenzi wake. Saimba akashatirwa akati kumuranda wake, ‘Kurumidza kuenda kumigwagwa yeguta nomumikoto yaro uunze varombo navakaremadzwa namapofu navakaremara.’ Muranda akati, ‘Changamire zvamati zviitwe zvaitwa asi nzvimbo ichiripo.’ Tenzi akati kumuranda, ‘Enda kumigwagwa nomumaheji ugombedzere vanhu kupinda kuti imba yangu izare. Nokuti ndinokutaurirai kuti hapana kana nomumwechete waavo vakakokwa acharavira mabiko angu.’ ”

Verenga chikamu Ruka 14