Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 14:15-24

Ruka 14:15-24 SNA2002

Mumwe wavakanga vagere naye pakudya akati achizvinzwa, akati kwavari, “Akaropafadzwa uyo achadya zvokudya muushe hwaMwari!” Iye akati kwaari, “Mumwe munhu akagadzira chirariro chikuru, akakokera vazhinji. “Akatuma muranda wake nenguva yokurarira kuti audze vakanga vakakokerwa, kuti, ‘Uyai, nokuti zvose zvagadzirwa zvino.’ Ipapo vose vakatanga nomwoyo mumwe kuzvirevera. Wokutanga akati kwaari, ‘Ndatenga munda, ndinofanira kumbondouona; ndinokumbira kuti undirevere.’ Mumwe akati, ‘Ndatenga nzombe dzamajoko mashanu, ndinoenda kundodziedza; ndinokumbira kuti undirevere.’ Mumwe akati, ‘Ndawana mukadzi, naizvozvo handingauyi.’ Muranda akauya, akaudza ishe wake izvozvo. Ipapo muridzi weimba akatsamwa, akati kumuranda wake, ‘Kurumidza, ubude kunzira huru neduku dzomumusha, uuye pano navarombo, nezvirema, namapofu, navanokamhina.’ Muranda akati, ‘Ishe, izvo zvamarayira, zvaitwa, asi nzvimbo ichipo.’ “Ishe akati kumuranda, ‘Buda kunzira nokuruzhowa, uvagombedzere vapinde, imba yangu izare. Nokuti ndinoti kwamuri, hakuna mumwe kuna varume avo vandakokera, acharavira chirariro changu.’ ”

Verenga chikamu Ruka 14