Jesu akanga achidzidzisa mune imwe sinagogu musi weSabata. Maiva nomumwe mudzimai aiva nomweya wakamuitisa ndonda kwamakore gumi namasere. Akanga akakombama asingagoni kuzvitwasanudza. Jesu paakamuona akamudaidza akati kwaari, “Mai masunungurwa paurwere hwenyu.” Akaisa maoko ake paari. Pakarepo akatwasanudzwa. Akabva arumbidza Mwari. Asi mukuru wapasinagogu zvakamugumbura nokuti Jesu akanga arapa pazuva reSabata. Akati kuvanhu, “Kuna mazuva matanhatu anogona kuitwa basa, uyai pamazuva iwayo muzorapwa, kwete musi weSabata.” Tenzi akamupindura achiti, “Imi vanyengedzi, mose zvenyu, hamusununguri here mombe yenyu kana dhongi renyu kubva mokudyira pamusi weSabata muchiritungamirira kundomwa mvura. Ko zvino mudzimai uyu, mwanasikana waAbhurahamu akasungwa naSatani kwamakore gumi namasere, haafaniri kusunungurwa here mumusungo uyu pamusi weSabata?” Paakataura izvi mhandu dzake dzose dzakanyadziswa asi vanhu vose vakafara nezvinhu zvose zvino mukurumbira zvaakaita.
Verenga chikamu Ruka 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 13:10-17
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo