Ruka 13:10-17
Ruka 13:10-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jesu akanga achidzidzisa ari mune rimwe sinagoge nomusi weSabata, uye ipapo pakanga pano mukadzi aiva akaremadzwa nomweya wakaipa kwamakore gumi namasere. Musana wake wakanga wakakokonyara uye akanga asingagoni zvachose kutwasuka. Jesu akati amuona, akamudana kuti auye mberi akati kwaari, “Mai, masunungurwa pachirwere chenyu.” Ipapo akaisa maoko ake pamusoro wake, pakarepo musana wake ukatwasanuka akarumbidza Mwari. Mukuru wesinagoge akatsamwa nokuti Jesu akanga aporesa mukadzi uyu nomusi weSabata, akati kuvanhu, “Pane mazuva matanhatu okushanda. Saka munofanira kuuya kuzoporeswa pamazuva iwayo, kwete nomusi weSabata.” Ishe akamupindura achiti, “Imi vanyengeri! Ko, handiti mumwe nomumwe wenyu anosunungura nzombe kana mbongoro yake kubva mudanga, oenda nazvo kundonwa mvura nomusi weSabata here? Zvino mukadzi uyu, mwanasikana waAbhurahama, akanga akasungwa naSatani kwamakore gumi namasere, haaifanira kusunungurwa kubva pane zvakamusunga nomusi weSabata here?” Akati ataura izvozvo, vose vakanga vachipikisana naye vakanyadziswa, asi vanhu vakafadzwa nezvinhu zvinoshamisa zvaakanga achiita.
Ruka 13:10-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Jesu akanga achidzidzisa mune imwe sinagogu musi weSabata. Maiva nomumwe mudzimai aiva nomweya wakamuitisa ndonda kwamakore gumi namasere. Akanga akakombama asingagoni kuzvitwasanudza. Jesu paakamuona akamudaidza akati kwaari, “Mai masunungurwa paurwere hwenyu.” Akaisa maoko ake paari. Pakarepo akatwasanudzwa. Akabva arumbidza Mwari. Asi mukuru wapasinagogu zvakamugumbura nokuti Jesu akanga arapa pazuva reSabata. Akati kuvanhu, “Kuna mazuva matanhatu anogona kuitwa basa, uyai pamazuva iwayo muzorapwa, kwete musi weSabata.” Tenzi akamupindura achiti, “Imi vanyengedzi, mose zvenyu, hamusununguri here mombe yenyu kana dhongi renyu kubva mokudyira pamusi weSabata muchiritungamirira kundomwa mvura. Ko zvino mudzimai uyu, mwanasikana waAbhurahamu akasungwa naSatani kwamakore gumi namasere, haafaniri kusunungurwa here mumusungo uyu pamusi weSabata?” Paakataura izvi mhandu dzake dzose dzakanyadziswa asi vanhu vose vakafara nezvinhu zvose zvino mukurumbira zvaakaita.
Ruka 13:10-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino akanga achidzidzisa mune rimwe sinagoge nomusi weSabata. Zvino tarira, kwaivapo mukadzi aiva nomweya wourwere makore ane gumi namasere; akanga akafunyana, asingatongogoni kusimuka. Jesu akati achimuona, akamudana, akati kwaari, “Mai, masunungurwa paurwere hwenyu.” Akaisa maoko ake pamusoro pake; akatasanuka pakarepo, akarumbidza Mwari. Zvino mukuru wesinagoge akatsamwa, nokuti Jesu akaporesa nomusi weSabata, akapindura, akati kuvanhu vazhinji, “Mazuva matanhatu aripo, anofanira kushandwa nawo; uyai naiwayo, muporeswe; asi musauya nomusi weSabata.” Asi Ishe akamupindura, akati, “Imi, vanyengeri! Ko mumwe nomumwe wenyu haangasununguri mombe yake kana mbongoro yake pachidyiro nomusi weSabata, akaenda nayo kundoinwisa here? Zvino mukadzi uyu, mwanasikana waAbhurahamu, akanga akasungwa naSatani makore ane gumi namasere, haaizafanira kusunungurwa nomusi weSabata pachisungo ichi here?” Zvino akati areva izvozvo, vadzivisi vake vose vakanyadziswa; asi vanhu vazhinji vose vakafara nezvinhu zvose zvakaisvonaka, zvakaitwa naye.
Ruka 13:10-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akanga achidzidzisa mune imwe sinagogu musi weSabata. Maiva nomumwe mudzimai aiva nomweya wakamuitisa ndonda kwamakore gumi namasere. Akanga akakombama asingagoni kuzvitwasanudza. Jesu paakamuona akamudaidza akati kwaari, “Mai masunungurwa paurwere hwenyu.” Akaisa maoko ake paari. Pakarepo akatwasanudzwa. Akabva arumbidza Mwari. Asi mukuru wapasinagogu zvakamugumbura nokuti Jesu akanga arapa pazuva reSabata. Akati kuvanhu, “Kuna mazuva matanhatu anogona kuitwa basa, uyai pamazuva iwayo muzorapwa, kwete musi weSabata.” Tenzi akamupindura achiti, “Imi vanyengedzi, mose zvenyu, hamusununguri here mombe yenyu kana dhongi renyu kubva mokudyira pamusi weSabata muchiritungamirira kundomwa mvura. Ko zvino mudzimai uyu, mwanasikana waAbhurahamu akasungwa naSatani kwamakore gumi namasere, haafaniri kusunungurwa here mumusungo uyu pamusi weSabata?” Paakataura izvi mhandu dzake dzose dzakanyadziswa asi vanhu vose vakafara nezvinhu zvose zvino mukurumbira zvaakaita.
Ruka 13:10-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino wakaŋga acidzidzisa munerimŋe sinagoge nomusi wesaɓata. Ɀino tarira, kwaiʋa’po mukadzi waiʋa nomŋeya woʋurwere makore anegumi namasere; wakaŋga akafunyana, asiŋgatoŋgogoni kusimuka. Jesu akati acimuʋona, akamuɗana, akati kwaari: Mai, wasunuŋgurwa paʋurwere bgako. Akaisa maʋoko ake pamsoro pake; akatasanudzwa pakarepo, akarumbidza Mŋari. Ɀino mukuru wesinagoge akatsamŋa, nokuti Jesu wakaporesa nomusi wesaɓata, akapindura, akati kuʋanhu ʋazhinji: Mazuʋa matanhatu ari’po, anofanira kuɓatwa nawo; ʋuyai naiwayo, muporeswe; asi musaʋuya nomusi wesaɓata. Asi Ishe wakamupindura, akati: Imi, ʋanyeŋgeri! Ko mumŋe nomumŋe wenyu haaŋgasunuŋguri ŋombe yake kana mboŋgoro yake pacidyiro nomusi wesaɓata, akaenda nayo kundoinwisa here? Ɀino mukadzi uyu, mŋanasikana waAbrahama, wakaŋga akasuŋgwa naSatani makore anegumi namasere, haazaifanira kusunuŋgurwa nomusi wesaɓata pacisuŋgo ici here? Ɀino wakati areʋa iɀoɀo, ʋadziʋisi ʋake ʋose ʋakanyadziswa; asi ʋanhu ʋazhinji ʋose ʋakafara neɀinhu ɀose ɀakaiȿo‐naka ɀakaitwa naye.