Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 12:1-12

Ruka 12:1-12 SCLB

Panguva yose iyoyo; pakanga paungana zviuru zvakati kuti zvegungano ravanhu zvokutotsikirirana, akatanga kutaura kuvadzidzi vake achiti, “Chenjererai mbiriso yavaFarisei, zvinoreva unyengedzi. Hapana chakafukidzwa chisingazoburitswi pachena kana chakavanzika chisingazozivikanwi. Naizvozvo zvose zvamunotaura murima zvichanzwikwa pachena uye zvamakataura nakazevezeve mudzimba dzomukati muchivande, zvichaparidzirwa pamatenga edzimba. “Ndinokutaurirai shamwari dzangu kuti, ‘Musatye avo vanouraya muviri asi mushure macho vasina chavanokwanisa kuita.’ Asi ndichakuyambirai wamunofanira kutya. Ityai uyo anoti kana auraya ane simba rokukanda munhu mugehena. Zvechokwadi, ndinokutaurirai kuti mutyei. Tushiri tudiki tushanu hatutengeswi namasendi maviri here? Asi hapana kana kamwe katwo kanokanganikwa naMwari? Inga wani kunyange vhudzi romusoro wenyu rakaverengwa. Musatye. Munokosha kupinda tushiri tuzhinji. “Ndinokutaurira kuti, ‘Munhu wose anondibvuma pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu achamubvumawo pamberi pavatumwa vaMwari.’ Asi uyo anondiramba pamberi pavanhu, acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari. Munhu wose anotaura zvakaipa nezveMwanakomana womunhu acharegererwa. Asi uyo anoshonha Mweya Mutsvene haaregererwi. “Kana vakakukwidzai matare omumasinagogu kana kumatare enyika kana kuvakuru vakuru venyika, musazvitambudze kuti muchapindura sei kana kuti muchapindurei kana kuti muchataurei; nokuti mweya Mutsvene achakudzidzisai panguva iyoyo zvamunofanira kutaura.”

Verenga chikamu Ruka 12