Zvino vanhu vane zviuru zvizhinji vakati vaunganira pamwechete kusvikira votsikirirana, akavamba kutaura kuvadzidzi vake pakutanga, achiti, “Chenjerai mbiriso yavaFarisi, ndiko kunyengera. Hakuna chinhu chakafukidzwa, chisingazozarurwi; kana chakavanzika, chisingazozikanwi. “Saka zvose zvamakataura murima, zvichanzwika muchiedza; nezvamakataura munzeve mudzimba dzomukati, zvichaparidzwa pamusoro pedzimba. “Ndinoti kwamuri, hama dzangu, musatya vanouraya muviri, vasingazogoni kuita chimwe chinhu shure kwaizvozvo. Asi ndichakuratidzai wamunofanira kutya; mumutye iye, anoti kana auraya, ane simbawo rokukandira muGehena. Hongu, ndinoti kwamuri, mutyei iye. Ko shiri duku shanu hadzitengeswi nepeni here? Hakuna imwe yadzo inokanganikwa pamberi paMwari. “Asi nevhudzi romusoro wenyu rakaverengwa rose. Musatya, munopfuura shiri duku zhinji. “Ndinoti kwamuri, mumwe nomumwe anondipupura pamberi pavanhu, Mwanakomana womunhu achamupupurawo pamberi pavatumwa vaMwari. Asi anondiramba pamberi pavanhu, acharambwawo pamberi pavatumwa vaMwari. “Mumwe nomumwe anoreva shoko rakaipa pamusoro poMwanakomana womunhu, achakanganwirwa, asi anoshonha Mweya Mutsvene haangakanganwirwi. “Kana vachikuisai pamberi pamasinagoge navatongi navakuru vakuru, musafunganya kuti tichapindura sei, kana tichapindurei, kana tichataurei. Nokuti Mweya Mutsvene achakudzidzisai nenguva iyo zvamunofanira kutaura.”
Verenga chikamu Ruka 12
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 12:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo