Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 11:5-11

Ruka 11:5-11 SCLB

Jesu akati kwavari, “Ndiani wenyu ane shamwari inouya kwaari pakati pousiku yoti kwaari, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu nokuti imwe shamwari yangu iri parwendo yasvika, zvino handina chokumuperekera.’ Achapindura nechomukati achiti, ‘Usandinetse, gonhi rakiiwa; vana vangu neni tatovata; handichagoni kumuka kuti ndiwane chokukupa.’ Ndinokuudzai kuti angarege zvake kumuka achimupa chinhu pamusana pokuti ishamwari yake asi pamusana pokugwavarira kwake anotomuka achimupa zvose zvaanoda. Ndinokutaurirai kuti, “ ‘Kumbirai muchapiwa Tsvakai muchawana Gogodzai muchazarurirwa nokuti wose anokumbira anopiwa anotsvaka anowana uye anogogodza achazarurirwa.’ “Ndibaba vapi pakati penyu vanoti kana mwana wavo avakumbira hove vanomupa nyoka panze pokumupa hove.

Verenga chikamu Ruka 11