Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 10:21-23

Ruka 10:21-23 SCLB

Panguva imwecheteyo Jesu akafara kwazvo aina Mweya Mutsvene akati, “Ndinokutendai, Baba, Tenzi wedenga napasi kuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navanonzwisisa mukazvizivisa kuvana vaduku. Hongu Baba aya madiro enyu akanakisa. Zvinhu zvose zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kusiya Baba kana anoziva kuti Baba ndiani kusiya kwoMwanakomana nouyo anenge asarudzwa zvake naMwanakomana kuti amuzivise kwaari.” Akazotendeukira kuvadzidzi akavataurira zvepachavo achiti, “Akakomborerwa zvawo maziso anoona zvamuri kuona.

Verenga chikamu Ruka 10