Ruka 10:21-23
Ruka 10:21-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nenguva iyo akafara noMweya Mutsvene, akati, “Ndinokuvongai baba, Ishe wokudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche. Hongu Baba, nokuti ndizvo zvakakufadzai. “Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu; hakuna anoziva kuti Mwanakomana ndiani, asi Baba, uye kuti Baba ndiani, asi Mwanakomana, naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye.” Ipapo akatendeukira kuvadzidzi vake, akati kwavari, vari voga, “Meso, anoona zvamunoona, akaropafadzwa.
Ruka 10:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Panguva imwecheteyo Jesu akafara kwazvo aina Mweya Mutsvene akati, “Ndinokutendai, Baba, Tenzi wedenga napasi kuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navanonzwisisa mukazvizivisa kuvana vaduku. Hongu Baba aya madiro enyu akanakisa. Zvinhu zvose zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kusiya Baba kana anoziva kuti Baba ndiani kusiya kwoMwanakomana nouyo anenge asarudzwa zvake naMwanakomana kuti amuzivise kwaari.” Akazotendeukira kuvadzidzi akavataurira zvepachavo achiti, “Akakomborerwa zvawo maziso anoona zvamuri kuona.
Ruka 10:21-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva iyoyo Jesu azere nomufaro kubudikidza noMweya Mutsvene, akati, “Ndinokuvongai, Baba, Ishe wokudenga nepasi, nokuti makavanzira vakachenjera navakadzidza zvinhu izvi, mukazvizarurira kuvacheche. Hongu, Baba nokuti zvakakufadzai. “Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu. Hakuna munhu anoziva kuti Mwanakomana ndiani kunze kwaBaba, uye hakuna munhu anoziva kuti Baba ndiani kunze kwoMwanakomana naavo Mwanakomana vaanenge asarudza kuvazarurira.” Ipapo akatendeukira kuvadzidzi vake vari voga akati, “Akaropafadzwa meso anoona zvamuoona
Ruka 10:21-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nenguva iyo akafara noMweya Mutsvene, akati, “Ndinokuvongai baba, Ishe wokudenga napasi, kuti makavanzira vakachenjera navakangwara zvinhu izvi, mukazvizarurira vacheche. Hongu Baba, nokuti ndizvo zvakakufadzai. “Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu; hakuna anoziva kuti Mwanakomana ndiani, asi Baba, uye kuti Baba ndiani, asi Mwanakomana, naiye Mwanakomana waanenge achida kumuzarurira iye.” Ipapo akatendeukira kuvadzidzi vake, akati kwavari, vari voga, “Meso, anoona zvamunoona, akaropafadzwa.
Ruka 10:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Panguva imwecheteyo Jesu akafara kwazvo aina Mweya Mutsvene akati, “Ndinokutendai, Baba, Tenzi wedenga napasi kuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navanonzwisisa mukazvizivisa kuvana vaduku. Hongu Baba aya madiro enyu akanakisa. Zvinhu zvose zvakaiswa mumaoko angu naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kusiya Baba kana anoziva kuti Baba ndiani kusiya kwoMwanakomana nouyo anenge asarudzwa zvake naMwanakomana kuti amuzivise kwaari.” Akazotendeukira kuvadzidzi akavataurira zvepachavo achiti, “Akakomborerwa zvawo maziso anoona zvamuri kuona.
Ruka 10:21-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Neŋguʋa iyo wakafara noMŋeya Mutȿene, akati: Ndinokuʋoŋgai Ƃaɓa, Ishe wokuɗeŋga napasi, kuti makaʋanzira ʋakacenjera naʋakaŋgwara ɀinhu iɀi, mukaɀizarurira ʋacece. Hoŋo Ƃaɓa, nokuti ndiɀo ɀakakufadzai. Ɀinhu ɀose ndakaɀipiwa naƂaɓa ʋaŋgu; hakuna‐unoziʋa kuti Mŋanakomana ndiani, asi Ƃaɓa, ʋuye kuti Ƃaɓa ndiani, asi Mŋanakomana, naiye Mŋanakomana waaneŋge aciɗa kumuzarurira iye. Ipapo akatendeʋukira kuʋadzidzi ʋake, akati kwaʋari, ʋari ʋoga: Meso, anoʋona ɀamunoʋona, akaropafadzwa.