Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 1:30-35

Ruka 1:30-35 SCLB

Mutumwa waMwari ndokupindura oti, “Usatye zvako Maria, nokuti Mwari afadzwa zvake newe. Chinzwa, uchava napamuviri pauchapona mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Jesu. Iye achava mukuru–mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro. Tenzi Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi. Achatongawo imba yaJakobho narini narini.” Uyezve umambo hwake hauchazogumi. Maria akati kumutumwa, “Izvi zvichazoitika sei zvandisingazivani nomurume?” Mutumwa ndokumupindura achiti, “Mweya Mutsvene achakuburukira, simba roWokumusorosoro richakufukidza. Naizvozvo mwana wauchapona achanzi mutsvene, Mwanakomana waMwari.

Verenga chikamu Ruka 1