Asi imi mose zvizvarwa zvemo navatorwa vagere nemi, chengetai mitemo nemirao yangu, murege kuita chii zvacho chakaipa chikadai. Ndinodaro nokuti vanhu vakanga varimo, imi musati mavemo vakaita zvinhu zvakaipisisa izvozvi vakan'oresa nyika iyoyo. Kana imi mukan'oresa nyika, ingadaro ikakurutsai somurutsiro wayakaita vanhu vaimbogaramo imi musati mavemo. Ani naani anoita tsika dzakaipa dzikadai achachekwa ukama nevokwake. “Naizvozvo, chengetai zvandinoreva musambofa zvenyu makaita tsika idzodzi dzakaipa dzikadaro dzaiitwa navanhu vaigaramo imi musati mavemo. Musambozvin'oresa netsika idzodzo. Ini Tenzi, ndini Mwari wenyu.”
Verenga chikamu Mupiro 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mupiro 18:26-30
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo