Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mupiro 18

18
Makunakuna
1Tenzi akataurira Mosesi achiti, 2“Udza vaIsiraeri kuti, ‘Ini Tenzi ndini Mwari wavo. 3Musatevedzere tsika dzinoitwa navanhu vokuIjipiti kwamaigara kunyange kutevedzera tsika dzinoitwa navanhu vokuKanani kwandiri kukuendesai. Musatevedzere maitiro avo. 4Munofanira kuchengeta mitemo yangu nokuteerera mirao yangu, ive gwara renyu ramunofamba naro, Ini Tenzi ndini Mwari wenyu. 5Saka chengetai mirao yangu nemitemo yangu nokuti munhu anoichengeta, inomupa upenyu, ndini Tenzi.’
6“Hakuna munhu anobvumirwa kutorana nehama yepedyo achiifukura, ndini Tenzi. 7Usazvidze baba wako uchitorana naamai vako, ndaamai, usatadze navo. 8Usatorane nomukadzi wababa wako, kuzvidza baba ikoko. 9Usatorane nahanzvadzi yako, angave mwana wababa wako nomumwe mukadzi kana mwana wamai vako nomwe murume, kunyange yakazvarirwa mumusha menyu kana kuti yakaberekerwa kumwewo. 10Usatorane nomuzukuru wako angave mwana womwanakomana wako kana mwana womwanasikana wako kutozvifumura ikoko. 11Usatorane nomwana akaberekwa nababa wako nomumwe mukadzi, ihanzvadzi yako. 12Usatorane navatete vako, ihama yababa vako yomumba chaiyo. 13Usatorane nomukoma kana munun'una waamai vako nokuti ihama yaamai vako yomumba chaiyo. 14Usatorane nomudzimai womukoma kana wemunun'una wababa vako kuzvidza babamudiki kana kuti babamukuru wako ndimaiguru kana mainini vako. 15Usatorane nomuroora wako, mudzimai womwana wako saka usatorane naye. 16Usatorane nomudzimai wemukoma kana munun'una wako kuzvidza mukoma kana munun'una wako. 17Usatorane nomukadzi pedzepo wozotoranazve nemwanamusikana wake, kana kutorona nemwana womwanakomana wake kana nemwana womwanasikana wake. Vane ukama newe zvakaipa izvozvo. 18Kana mudzimai wako achiri mupenyu usatorane nomukoma kana munun'una wake chero mukadzi wako achiri mupenyu.
19“Rega kutorana nomukadzi panguva yake yokutevera. 20Usatorane nomudzimai wemumwe wako uchizvin'oresa naye. 21Usape mwana wako kuti apisirwe Moreki mumoto uchiipisa zita raMwari wenyu, ndini Tenzi. 22Rega kutorana nomumwe munhu wechirume sokutorana kwaungaite nomukadzi, chinhu chinosemesa kwazvo. 23Murume ngaarege kuita chakaipa nemhuka achizvin'oresa nazvo. Mukadziwo ngaarege kuita chakaipa nemhuka, ndokurasika chaikoiko.
24“Usazvin'orese nezviito zvakadaro nokuti ndudzi dzavanhu vomunyika yamuchandogara dzandichadzinga dzakazvin'oresa nezviito izvozvo. 25Nyika yavo yakan'oreswa nezviito zvavo saka ndakairanga pamusana pouipi hwayo, nyika iyoyo ikaita zvokurutsa vanhu vemo. 26Asi imi mose zvizvarwa zvemo navatorwa vagere nemi, chengetai mitemo nemirao yangu, murege kuita chii zvacho chakaipa chikadai. 27Ndinodaro nokuti vanhu vakanga varimo, imi musati mavemo vakaita zvinhu zvakaipisisa izvozvi vakan'oresa nyika iyoyo. 28Kana imi mukan'oresa nyika, ingadaro ikakurutsai somurutsiro wayakaita vanhu vaimbogaramo imi musati mavemo. 29Ani naani anoita tsika dzakaipa dzikadai achachekwa ukama nevokwake.
30“Naizvozvo, chengetai zvandinoreva musambofa zvenyu makaita tsika idzodzi dzakaipa dzikadaro dzaiitwa navanhu vaigaramo imi musati mavemo. Musambozvin'oresa netsika idzodzo. Ini Tenzi, ndini Mwari wenyu.”

Zvasarudzwa nguva ino

Mupiro 18: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda