Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshuwa 5:1-9

Joshuwa 5:1-9 SCLB

Madzimambo ose avaAmori akanga ari kumhiri kwaJorodhani nechokumadokero, namadzimambo ose avaKanani aigara munyasi megungwa, pavakanzwa kuti Tenzi akaomesera vaIsiraeri mvura yaJorodhani kusvikira vayambuka, mwoyo yavo yakati papata nokutya, vakapererwa nesimba pamusana pavaIsiraeri. Panguva iyoyo Tenzi akataurira Joshuwa achiti, “Gadzira mapanga amabwe omusarara udzingise vaIsiraeri zvakare.” Saka Joshuwa akagadzira mapanga amabwe egwenya, ndokudzingisa vaIsiraeri kuGibheatihaararoti. Chikonzero chokuti Joshuwa avadzingise ndechokuti, pavanhu vose vakabuda muIjipiti vechirume, varwi vose vehondo vakanga vatofira murenje vachiri murwendo, vabva kuIjipiti. Kunyange zvazvo vanhu vose vakabuda muIjipiti vakanga vadzingiswa, asi vanhu vose vakaberekerwa munzira murenje vabva kuIjipiti vakanga vasina kudzingiswa. Zviripo ndezvokuti vaIsiraeri vakafamba murenje kwamakumi mana amakore kudzamara vanhu vose ivavo varwi vehondo vakanga vabva kuIjipiti vaparara nokuti havana kuteerera Tenzi. Tenzi akavapikira kuti havazombofa vakaona nyika iyoyo yakatsidzwa naiye Tenzi kumadzibaba avo kuti tizopiwa, nyika yakanaka nyika yomukaka nouchi. Saka vana vavo, vaakaisa panzvimbo yavo, ndivo vakadzingiswa naJoshuwa. Vakanga vari vanhu vasina kudzingiswa nokuti vakanga vasina kudzingiswa munzira. Vanhu vose pavakapedza kudzingiswa vakambogara munzvimbo dzavo, mumatendhe imomo kusvikira vapora. Tenzi akati kuna Joshuwa, “Nhasi uno ndabvisa kwamuri kuzvidzwa kwenyu kwokuIjipiti.” Ndosaka zita renzvimbo iyoyo richinzi Girigari kusvikira pari nhasi.

Verenga chikamu Joshuwa 5