Joshua 5:1-9
Joshua 5:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino madzimambo ose avaAmoni aigara kumavirazuva eJorodhani namadzimambo ose avaKenani vaigara pedyo negungwa vakanzwa kuti Jehovha akanga aomesa Jorodhani pamberi pavaIsraeri kusvikira vayambuka, mwoyo yavo yakarukutika vakasazova nokushinga nokuda kwavaIsraeri. Panguva iyoyo Jehovha akataura naJoshua akati, “Gadzira mapanga amatombo anopinza ugodzingisa vaIsraeri zvakare.” Naizvozvo Joshua akagadzira mapanga amatombo akadzingisa vaIsraeri paGibhea Hararoti (chikomo chezvikanda zvepamberi). Joshua akavadzingisa nokuda kwechikonzero ichi: Varume vose vakabuda muIjipiti, varume vezera rehondo, vakafira munzira mugwenga mushure mokubuda muIjipiti. Vanhu vose vakabuda vakanga vadzingiswa asi vose vakaberekerwa mugwenga vachibva kuIjipiti vakanga vasina. VaIsraeri vakanga vafamba mugwenga kwamakore makumi mana kusvikira varume vose vaiva vezera rehondo pavakabuda muIjipiti vafa, nokuti vakanga vasina kuteerera Jehovha. Nokuti Jehovha akanga apika kwavari kuti havaizoona nyika iyo yaakanga avimbisa madzitateguru avo kuti achatipa, nyika inoerera mukaka nouchi. Zvino akasimudza vanakomana vavo pachinzvimbo chavo, uye ivava ndivo vakanga vasati vadzingiswa naJoshua. Vakanga vasati vadzingiswa nokuti havana kunge vadzingiswa munzira. Shure kwokunge rudzi rwose rwadzingiswa, vakagara pavakanga vari pamisasa kusvikira vapora. Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Nhasi ndabvisa kuzvidzwa kweIjipiti pamuri.” Saka nzvimbo iyoyo yakanzi Girigari, kusvikira nanhasi.
Joshua 5:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino madzimambo ose avaAmori, akanga agere mhiri kwaJorodhani kumavirazuva, namadzimambo ose avaKenani, akanga agere pagungwa, akati achinzwa kuti Jehovha wakapwisa mvura yaJorodhani pamberi pavana vaIsiraeri, kusvikira tayambuka, mwoyo yavo ikavhunduka, vakasazova nomweya mukati mavo, nokuda kwavana vaIsiraeri.” Nenguva iyo Jehovha akati kuna Joshua, “Uzviitire mapanga amabwe anopinza, udzingisezve vana vaIsiraeri.” Joshua akazviitira mapanga amabwe anopinza, akadzingisa vana vaIsiraeri pachikomo chezvikanda zvapamberi. Joshua akavadzingisa nemhaka iyi, nokuti vanhurume vose vakanga vabuda Ijipiti, ivo varume vehondo, vakanga vafira panzira murenje pakubuda kwavo Ijipiti. Nokuti vanhu vose vakabuda Ijipiti vakanga vadzingiswa; asi vanhu vose vakanga vaponerwa murenje panzira pakubuda kwavo Ijipiti, vakanga vasina kudzingiswa. Nokuti vana vaIsiraeri vakafamba makore ana makumi mana murenje, kusvikira rudzi rwose, ivo varume vehondo vakanga vabuda Ijipiti, vaparadzwa, nokuti havana kuteerera izwi raJehovha; Jehovha akapika kwavari kuti haangavaonesi nyika, yaakanga apikira madzibaba avo, kuti uchatipa iyo, iri nyika inoyerera mukaka nouchi. Zvino vana vavo vaakanga amutsa panzvimbo yavo, ndivo vakadzingiswa naJoshua; nokuti vakanga vasina kudzingiswa, zvavakanga vasina kudzingiswa panzira. Zvino vakati vapedza kudzingisa rudzi rwose, vakagara pavakanga vari pamisasa kusvikira vapora. Zvino Jehovha akati kuna Joshua, “Nhasi ndabvisa kwamuri kuzvidzwa kwamakazvidzwa nako navaIjipiti.” Naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Girigari, kusvikira nhasi.
Joshua 5:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Madzimambo ose avaAmori akanga ari kumhiri kwaJorodhani nechokumadokero, namadzimambo ose avaKanani aigara munyasi megungwa, pavakanzwa kuti Tenzi akaomesera vaIsiraeri mvura yaJorodhani kusvikira vayambuka, mwoyo yavo yakati papata nokutya, vakapererwa nesimba pamusana pavaIsiraeri. Panguva iyoyo Tenzi akataurira Joshuwa achiti, “Gadzira mapanga amabwe omusarara udzingise vaIsiraeri zvakare.” Saka Joshuwa akagadzira mapanga amabwe egwenya, ndokudzingisa vaIsiraeri kuGibheatihaararoti. Chikonzero chokuti Joshuwa avadzingise ndechokuti, pavanhu vose vakabuda muIjipiti vechirume, varwi vose vehondo vakanga vatofira murenje vachiri murwendo, vabva kuIjipiti. Kunyange zvazvo vanhu vose vakabuda muIjipiti vakanga vadzingiswa, asi vanhu vose vakaberekerwa munzira murenje vabva kuIjipiti vakanga vasina kudzingiswa. Zviripo ndezvokuti vaIsiraeri vakafamba murenje kwamakumi mana amakore kudzamara vanhu vose ivavo varwi vehondo vakanga vabva kuIjipiti vaparara nokuti havana kuteerera Tenzi. Tenzi akavapikira kuti havazombofa vakaona nyika iyoyo yakatsidzwa naiye Tenzi kumadzibaba avo kuti tizopiwa, nyika yakanaka nyika yomukaka nouchi. Saka vana vavo, vaakaisa panzvimbo yavo, ndivo vakadzingiswa naJoshuwa. Vakanga vari vanhu vasina kudzingiswa nokuti vakanga vasina kudzingiswa munzira. Vanhu vose pavakapedza kudzingiswa vakambogara munzvimbo dzavo, mumatendhe imomo kusvikira vapora. Tenzi akati kuna Joshuwa, “Nhasi uno ndabvisa kwamuri kuzvidzwa kwenyu kwokuIjipiti.” Ndosaka zita renzvimbo iyoyo richinzi Girigari kusvikira pari nhasi.
Joshua 5:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino madzimambo ose aʋaAmori, akaŋga agere mhiri kwaJoridani kumaʋirazuʋa, namadzimambo ose aʋaKanani, akaŋga agere paguŋgwa, akati acinzwa kuti Jehova wakapxisa mvura yaJoridani pamberi paʋana ʋaIsraeri, kuȿikira tayambuka, mŋoyo yaʋo ikavunduka, ʋakasazoʋa nomŋeya mukati maʋo, nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri. Neŋguʋa iyo Jehova akati kunaJoshua: Uɀiitire mapaŋga amabge anopinza, udziŋgise ɀe ʋana ʋaIsraeri. Joshua akaɀiitira mapaŋga amabge anopinza, akadziŋgisa ʋana ʋaIsraeri pacikomo ceɀikanda ɀapamberi. Joshua akaʋadziŋgisa nemhaka iyi, nokuti ʋanhurume ʋose ʋakaŋga ʋaɓuɗa Egipita, iʋo ʋarume ʋehondo, ʋakaŋga ʋafira panzira murenje pakuɓuɗa kwaʋo Egipita. Nokuti ʋanhu ʋose ʋakaɓuɗa Egipita ʋakaŋga ʋadziŋgiswa; asi ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋaponerwa murenje panzira pakuɓuɗa kwaʋo Egipita, ʋakaŋga ʋasina‐kudziŋgiswa. Nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba makore anamakumi manna murenje, kuȿikira rudzi rwose, iʋo ʋarume ʋehondo ʋakaŋga ʋaɓuɗa Egipita, ʋaparadzwa, nokuti haʋana‐kuterera inzwi raJehova; Jehova akapika kwaʋari kuti haaŋgaʋaʋonesi nyika, yaakaŋga apikira madziɓaɓa aʋo, kuti ucatipa iyo, iri nyika inoyerera mukaka noʋuci. Ɀino ʋana ʋaʋo ʋaakaŋga amutsa panɀimbo yaʋo, ndiʋo ʋakadziŋgiswa naJoshua; nokuti ʋakaŋga ʋasina‐kudziŋgiswa, ɀaʋakaŋga ʋasina‐kudziŋgiswa panzira. Ɀino ʋakati ʋapedza kudziŋgisa rudzi rwose, ʋakagara paʋakaŋga ʋari pamisasa kuȿikira ʋapora. Ɀino Jehova akati kunaJoshua: Nhasi ndabvisa kwamuri kuɀidzwa kwamakaɀidzwa nako naʋaEgipita. Naiɀoɀo nɀimbo iyo yakanzi Girgari, kuȿikira nhasi.
Joshua 5:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)