Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 5:1-9

Joshua 5:1-9 SUB1949

Ɀino madzimambo ose aʋaAmori, akaŋga agere mhiri kwaJoridani kumaʋirazuʋa, namadzimambo ose aʋaKanani, akaŋga agere paguŋgwa, akati acinzwa kuti Jehova wakapxisa mvura yaJoridani pamberi paʋana ʋaIsraeri, kuȿikira tayambuka, mŋoyo yaʋo ikavunduka, ʋakasazoʋa nomŋeya mukati maʋo, nokuɗa kwaʋana ʋaIsraeri. Neŋguʋa iyo Jehova akati kunaJoshua: Uɀiitire mapaŋga amabge anopinza, udziŋgise ɀe ʋana ʋaIsraeri. Joshua akaɀiitira mapaŋga amabge anopinza, akadziŋgisa ʋana ʋaIsraeri pacikomo ceɀikanda ɀapamberi. Joshua akaʋadziŋgisa nemhaka iyi, nokuti ʋanhurume ʋose ʋakaŋga ʋaɓuɗa Egipita, iʋo ʋarume ʋehondo, ʋakaŋga ʋafira panzira murenje pakuɓuɗa kwaʋo Egipita. Nokuti ʋanhu ʋose ʋakaɓuɗa Egipita ʋakaŋga ʋadziŋgiswa; asi ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋaponerwa murenje panzira pakuɓuɗa kwaʋo Egipita, ʋakaŋga ʋasina‐kudziŋgiswa. Nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋakafamba makore anamakumi manna murenje, kuȿikira rudzi rwose, iʋo ʋarume ʋehondo ʋakaŋga ʋaɓuɗa Egipita, ʋaparadzwa, nokuti haʋana‐kuterera inzwi raJehova; Jehova akapika kwaʋari kuti haaŋgaʋaʋonesi nyika, yaakaŋga apikira madziɓaɓa aʋo, kuti ucatipa iyo, iri nyika inoyerera mukaka noʋuci. Ɀino ʋana ʋaʋo ʋaakaŋga amutsa panɀimbo yaʋo, ndiʋo ʋakadziŋgiswa naJoshua; nokuti ʋakaŋga ʋasina‐kudziŋgiswa, ɀaʋakaŋga ʋasina‐kudziŋgiswa panzira. Ɀino ʋakati ʋapedza kudziŋgisa rudzi rwose, ʋakagara paʋakaŋga ʋari pamisasa kuȿikira ʋapora. Ɀino Jehova akati kunaJoshua: Nhasi ndabvisa kwamuri kuɀidzwa kwamakaɀidzwa nako naʋaEgipita. Naiɀoɀo nɀimbo iyo yakanzi Girgari, kuȿikira nhasi.

Verenga chikamu Joshua 5