Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshuwa 3:7-17

Joshuwa 3:7-17 SCLB

Tenzi akati kuna Joshuwa, “Ndichatangisa nhasi uno kukusimudzira pamusoro mukati mavaIsiraeri vagoziva kuti ndinewe sezvandaingova naMosesi. Udza vapristi vanenge vakatakura bhokisi rechitenderano kuti pavanosvika kumahombekombe kwaJorodhani, vamire vakati dzororo muna Jorodhani.” Joshuwa akataurira vaIsiraeri achiti, “Uyai kuno munzwe zvarehwa naTenzi Mwari wenyu.” Joshuwa akati, “Mwari mupenyu, ari pakati penyu uye haambokundikani kukudzingirai vaKanani navaHiti navaHivhi navaPerizi navaGirigashi navaAmori navaJebhusi. Zvamuchazviziva nazvo ndezvizvi zvokuti: bhokisi rechitenderano raTenzi wepasi pose richakutungamirirai kuyambuka Jorodhani. Saka chisarudzai varume gumi navaviri, mumadzinza ose avaIsiraeri, murume mumwechete panzinza roga roga. Tsoka dzavapristi vanenge vakatakura bhokisi raTenzi, Tenzi wepasi pose padzichatsika mumvura yaJorodhani, mvura iyoyo yaJorodhani ichaganhuka kuerera mvura, inenge ichierera ichibva kumusoro ichaita murwi kumira.” Naizvozvo vanhu pavakasimuka paiva namatendhe avo, vachindoyambuka Jorodhani vakatungamirirwa mberi kwavo navapristi vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano. Jorodhani urwu runozara mhiri nemhiri panguva yose yokukohwa. Vaprisiti vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano pavakasvika pana Jorodhani, tsoka dzavo padzakangoti tsikei mumvura, mvura yaibva nechokumusoro kwarwo yakati murwi tuku ndokusundana yakati fuse fuse kusvikura kuAdhamu, guta riri pedyo neZaretani. Mvura iya yaierera ichidzika narwo ichienda kugungwa reArabha, gungwa romunyu, yakabva yanyatsopararaniswa, vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko. Vapristi vainge vakatakura bhokisi raTenzi rechitenderano vakanyatsomira zvavo pasi pakaoma, pakati paJorodhani, vaIsiraeri vose vachivapfuura kusvikira rudzi rwavo rwose rwayambuka napakaoma.

Verenga chikamu Joshuwa 3