Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshua 3:7-17

Joshua 3:7-17 SNA2002

Ipapo Jehovha akati kuna Joshua, “Nhasi ndichatanga kukukudza pamberi pavaIsiraeri vose, vazive kuti ndichava newe, sezvandaisiva naMosesi. Iwe unofanira kuraira vapristi kuti vatakure areka yesungano, uchiti, ‘Kana masvika parutivi rwemvura yaJorodhani, munofanira kumira muJorodhani.’ ” Zvino Joshua akati kuvana vaIsiraeri, “Uyai pano, munzwe mashoko aJehovha Mwari wenyu.” Joshua akati, “Muchaziva nechinhu ichi kuti Mwari mupenyu uri pakati penyu, uye kuti uchadzinga zvirokwazvo pamberi penyu vaKenani, navaHeti, navaHivhi, navaPerezi, navaGirigashi, navaAmori, navaJebhusi. Tarirai, areka yesungano yaishe wenyika yose inokutungamirirai pakuyambuka Jorodhani. Naizvozvo zvino muzvitorerei varume vane gumi navaviri pamarudzi ose avaIsiraeri, mumwe mumwe parudzi rumwe norumwe. Zvino kana tsoka dzavapristi vanotakura areka yaJehovha, Ishe wenyika yose dzichitsika mumvura yaJorodhani, mvura yaJorodhani ichagurwa, iyo mvura inobva kumusoro; ichamira, ikaita murwi mukuru.” Zvino vanhu vakati vachibva pamatende avo, kuti vayambuke Jorodhani, vapristi vaitakura areka vakatungamirira vanhu; zvino vakanga vakatakura areka vakati vachisvika paJorodhani, netsoka dzavapristi vakanga vakatakura areka dzichinyikwa pamucheto wemvura, (nokuti Jorodhani runofashamira nhivi dzarwo dzose nguva yose yokukohwa,) mvura yakanga ichibva kumusoro ikamira, ikaita murwi mukuru, kusvikira kurekure paAdhama, guta riri kurutivi rweZaretani; neyakanga ichiyerera kugungwa reArabha, ndiro Gungwa roMunyu, yakagurwa chose; vanhu vakayambuka pakatarisana neJeriko. Vapristi vakanga vakatakura areka yesungano yaJehovha vakaramba vamire pasi pakaoma pakati paJorodhani; vaIsiraeri vose vakayambuka pavhu rakaoma kusvikira rudzi rwose rwapedza kuyambuka Jorodhani.

Verenga chikamu Joshua 3