Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Joshuwa 2:14-24

Joshuwa 2:14-24 SCLB

Varume ava vakapika vachimutsindidzawo kuti, “Tinosarudza zvedu kufa pane kuti imi mufe! Kana mukarega kuudza vanhu nezvenyaya yedu, tichakuitirawo mwoyochena tichichengeta shoko redu kwamuri patichapiwa nyika ino naTenzi.” Mukadzi uyu akavaburitsa napawindo, akavadzikisa pasi netambo nokuti imba yake yakanga yakavakirwa murusvingo rweguta iri, saka aitogara murusvingo chaimo. Mukadzi uyu akavati, “Endai kumakomo kuti murege kuwanikwa novokuronda. Vandai ikoko kwamazuva matatu kusvikira vokuronda vacho vadzoka mozoenda zvenyu.” Varume ava vakamuti, “Hatimbokunyengedza pamhiko yawatipikisa. Chinzwa kana tava kuzopinda munyika ino sungirira kamucheka katsvuku aka pawindo paunotiburitsa napo uchitidzikisa pasi. Unganidza vana baba naamai vako, nehanzvadzi dzako nemhuri yose yababa wako, mumba mako. Kuwana anobuda mumba mako imomo achitoenda zvake panze munzira, rufu rwake ndorwokuzviparira, haizovi mhosva yedu. Asi kana kukangourayiwa ani zvake anenge anewe mumba mako, mhosva ndeyedu. Asi ukangoudza munhu nezvenyaya yedu iyoyi, zvemhiko yako iyi zvatibva, haichatisunga.” Mukadzi akapindura achiti, “Ndizvozvo, ngazviitwe saizvozvo.” Ndokubva avarega voenda zvavo, iye ndokusungirira kamucheka katsvuku kaya pawindo. Varume ava vakabvapo, vakananga kumakomo vakagarako mazuva matatu kudzamara vaivaronda vadzoka, vakanga vavatsvaka munzira yose vakavashaya. Varume vaviri vaya vakaburuka mumakomo, vakayambuka, vakasvika kuna Joshuwa mwanakomana waNuni, vakamuudza zvose zvavakasangana nazvo. Vakataurira Joshuwa vachiti, “Chokwadi chaicho ndechokuti, Tenzi atoisa nyika iyoyo mumaoko edu, vose vageremo vapera nokutitya.”

Verenga chikamu Joshuwa 2